Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 17:10-16

1 Madzimambo 17:10-16 SCLB

Naizvozvo Eriya akasimuka akaenda Zarefati akasvika pasuo guru reguta iri wanei pane chirikadzi ichitsvaka huni. Akadaidzira kwairi achiti, “Ndiigireiwo tumvura mumudziyo ndingonwawo.” Mudzimai uyu paakanga oenda kundoitora, Eriya akadaidzira kwaari achiti, “Mundiigirewo chimedu chechingwa mumaoko.” Mudzimai akati, “NaTenzi chaiye, Mwari wenyu mupenyu hakuna chandati ndabika. Chiriko, katsama bedzi koupfu mumudziyo notumafuta tushomanana muguchu. Chandiri kungoita, kunonga-nonga tukuni utwu kuti ndizondobikira ini nomwana wangu mukomana tidye tichifa zvedu.” Eriya akamuti, “Musatye zvenyu Endai zvenyu muite zvamareva, asi tangai mandigadzirira kachingwa paupfu ihwohwo mundiigirewo kuno mozoti mozvibikirawo imi nomwana wenyu, nokuti zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Upfu hwomumudziyo iwoyo hauchambopera uye mafuta omuguchu racho haachambokwengurwa kusvikira musi uchanayiswa mvura naTenzi panyika.’ ” Akaenda akandoita zvakanga zvataurwa naEriya, mudzimai uyu nevemba yake naEriya vakadya kwamazuva mazhinji. Upfu hwomumudziyo muya hauna kumbopera, mafutawo, muguchu muya haana kukwenguka sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo waEriya.