Mambo Dhavhidhi akapindura achiti, “Ndidaidzirei Bhatishebha.” Akapindamo makanga muna mambo akasvikomira pana mambo. Mambo akatsidza nemhiko achiti, “NaTenzi mupenyu akandinunura munhamo dzangu dzose sokupika chaiko kwandakamboita kwamuri naTenzi, Mwari weIsiraeri ndichiti, ‘Soromoni mwana wako ndiye achatotonga chete mushure mangu iye ndiye achagara pachigaro changu choumambo panzvimbo pangu, izvozvo ndozvandiri kutoita iye nhasi uno.’ ”
Bhatishebha akakotamira mambo uso hwakatarisa pasi achimuremekedza akati, “Changamire mambo Dhavhidhi raramai nokusingaperi!”
Mambo Dhavhidhi akati, “Ndidaidzirei mupristi Zadhoki nomuporofita Natani naBhenaya mwana waJehoyadha.” Vakasvika pana mambo. Mambo akavati, “Endai namakurukota angu ini changamire muti Soromoni mwanakomana wangu atasve nyurisi rangu ini mudzike naye kuGihoni, ikoko regai mupristi Zadhoki nomuporofita Natani vamugadze umambo hweIsiraeri varidze hwamanda vachidaidzira vachiti, ‘Zvigare zvakadaro mambo Soromoni!’ Munozomutungamidza mouya naye kuno asvikogara pachigaro changu choumambo nokuti ndiye achava mambo panzvimbo pangu. Ndatomusarudza kuti ave mutongi weIsiraeri naJudha.”
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akapindura mambo achiti, “Ndizvozvo chaizvo! Dai Tenzi, Mwari wenyu mambo changamire adarowo. Dai Tenzi sokuva nemi mambo changamire kwaanga achiita avavo naSoromoni saizvozvo aite kuti umambo hwake hukurekure kupinda hwenyu changamire mambo Dhavhidhi.”
Saizvozvo mupristi Zadhoki nomuporofita Natani naBhenaya mwana waJehoyadha nowokuchengetedza mambo, Kereti naPereti vakadzika vakakwidza Soromoni panyurusi ramambo Dhavhidhi vakaenda naye kuGihoni. Mupristi Zadhoki akatora chinu chamafuta mutendhe akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakadaidzira vachiti, “Zvirambe zvakadaro mambo Soromoni!” Vanhu vose vakakwidza vachimutevera, nyere dzichirira kuchipemberwa kufara zvikuru kwazvo zvokutotsemura pasi.
Adhoniya navose vakakokwa vaaiva navo vakazvinzwa vachingunopedzesa mabiko avo. Joabhu paakanzwa kurira kwehwamanda akabvunza kuti, “Ko mheremhere iyi iri muguta umu ndeyei?” Achiri kutaura kudaro Jonatani mwana womupristi Abhiyatari ndiye vhu ipapo. Adhoniya akati, “Pinda zvako nokuti uri munhu anovimbika unofanira chete kunge uchitotiigira shoko rakanaka.”
Jonatani akapindura Adhoniya kuti, “Zviri kupiko nhaimi. Zvaitika uku, changamire mambo Dhavhidhi vatogadza Soromoni umambo. Mambo vamutuma nomupristi Zadhoki nomuporofita Natani naBhenaya mwanakomana waJehoyadha pamwechete newokuchengetedza mambo Kereti naPereti vandomukwidza panyurusi ramambo. Mupristi Zadhoki nomuporofita Natani vatomugadza umambo kuGihoni. Vabva ikoko vachipembera kufara zvokuti muguta umu rangova zhwerendende. Ndiyo mheremhere iyi yamuri kunzwa. Soromoni atogara pachigaro choumambo. Uyewo makurukota amambo asvika kuzokorokotedza changamire mambo Dhavhidhi vachitoti, Mwari wenyu ngaaite kuti zita raSoromoni riende mbiri kupinda imi aitewo kuti umambo hwake hukurekure kupfuura hwenyu. Mambo akamukotamira, pamubhedha wake. Iye mambo atotiwo ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari weIsiraeri apa kuti pave nomwana wangu wokugara pachigaro changu choumambo nhasi uno ini ndichizvionawo nameso angu.”
Zvakadederesa vose vaiva vakakokwa naAdhoniya vakati dzvamu uyu kwake uyu kwakwe. Asi Adhoniya akatya Soromoni akasimuka akaenda akandobata zvinenge nyanga zvepaatari. Shoko rakasvika kuna Soromoni rokuti, “Adhoniya ari kutya mambo Soromoni. Izvozvi ndozvaakatobatira zvinenge nyanga zvepaatari achiti mambo Soromoni ngaatange apika kwandiri kuti haazondiuraya nebakatwa ini muranda wake.”
Soromoni akati, “Kana akaratidzawo kuti munhu kwaye, hakuna kana rubvudzi rwake rumwechete zvarwo ruchadonhera pasi. Asi kana uipi hukawanikwa maari anotopafa chete.” Mambo Soromoni akatumira shoko, vakandomuburutsa paatari. Akauya akasvikoremekedza mambo Soromoni. Soromoni akamuti, “Chienda zvako kumba kwako.”