Ipapo mambo Dhavhidhi akapindura, akati, “Ndidanirei Bhati‐shebha.” Iye akapinda kuna mambo, akamira pamberi pamambo. Zvino mambo akapika, akati, “NaJehovha mupenyu, iye wakadzikinura upenyu hwangu panjodzi dzose, zvirokwazvo, sezvandakakupikira naJehovha Mwari waIsiraeri, ndichiti, ‘Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako uchanditevera paushe, uchagara pachigaro changu choushe panzvimbo yangu; zvirokwazvo ndichazviita nhasi.’ ” Ipapo Bhati‐shebha akakotamira pasi nechiso chake, akapfugamira mambo, akati, “Ishe wangu mambo Dhavhidhi ngaararame nokusingaperi.” Mambo Dhavhidhi akati, “Ndidanirei Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha.” Ivo vakapinda kuna mambo. Mambo akati kwavari, “Endai navaranda vashe wenyu, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu pahesera rangu, mumuburusire Gihoni; Zadhoki mupristi naNatani muporofita vamuzodze ipapo, ave mambo waIsiraeri; muridze hwamanda, muchiti, ‘Mambo Soromoni ngaararame.’ Zvino mukwire muchimutevera, iye auye kuzogara pachigaro choushe, nokuti uchava mambo panzvimbo yangu; ini ndakaraira kuti ave muchinda waIsiraeri nowaJudha.”
Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akapindura mambo, akati, “Ameni! Jehovha, Mwari washe wangu mambo, unodarowo. Jehovha sezvaaiva nashe wangu mambo, saizvozvowo ngaave naSoromoni, akurise chigaro chake choushe, chipfuure chigaro choushe chashe wangu mambo Dhavhidhi.”
Ipapo Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti vakaburuka, vakatasvisa Soromoni pahesera ramambo Dhavhidhi, vakamuisa Gihoni. Zvino Zadhoki mupristi akatora gonamombe ramafuta paTende akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakati, “Mambo Soromoni ngaararame!” Zvino vanhu vose vakakwira, vakamutevera; vanhu vakaridza nyere, vakafara nomufaro mukuru; naizvozvo nyika ikaunga nenzwi radzo.
Zvino Adhonia navose vakanga vakokwa naye, vakazvinzwa, vapedza kudya. Ipapo Joabhu wakati achinzwa inzwi rehwamanda, akati, “Mhere‐mhere iyi inoitirweiko muguta, zvaranyonganiswa?” Wakati achitaura, Jonatani mwanakomana waAbhiatari mupristi, akasvika; Adhonia akati kwaari, “Pinda, nokuti uri munhu wakatendeka, unouya namashoko akanaka.”
Ipapo Jonatani akapindura, akati kuna Adhonia, “Zvirokwazvo ishe wedu mambo Dhavhidhi wakagadza Soromoni paushe. Uye mambo wakatuma Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti, vakamutasvisa pahesera ramambo; uye Zadhoki mupristi, naNatani muporofita vakamuzodza paGihoni kuti ave mambo; vakabva ipapo, vakakwira nomufaro, naizvozvo guta rinowunga. Ndiyo mhere‐mhere yamanzwa. Zvino Soromoni wogara pachigaro choushe. Uyewo, varanda vamambo vakaenda kuzokudza ishe wedu mambo Dhavhidhi, vachiti, ‘Mwari ngaakurise zita raSoromoni, ripfuure zita renyu, akurise chigaro chake, chipfuure chigaro chenyu choushe;’ mambo akakotama panhoo dzake. Uyezve mambo wakataura akati, ‘Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, wakagadza mumwe nhasi kuti agare pachigaro changu choushe, meso angu achizviona.’ ”
Zvino vose vakanga vakakokwa naAdhonia vakatya, vakasimuka, mumwe nomumwe akaenda hake. Adhonia akatya nokuda kwaSoromoni, akasimuka, akandobata nyanga dzeatari. Zvino Soromoni akaudzwa, zvichinzi, “Tarirai, Adhonia unotya mambo Soromoni, nokuti wandobata nyanga dzeatari, akati, ‘Mambo Soromoni ngaandipikire nhasi, kuti haangaurayi muranda wake nomunondo.’ ” Ipapo Soromoni akati, “Kana akazova munhu kwaye, ruvhudzi rwake kunyange rumwe harungawiri pasi; asi kana zvakaipa zvikawanikwa maari, uchafa.”
Naizvozvo mambo Soromoni akatuma vanhu, vakandomubvisa paatari. Akauya, akanamata kuna mambo Soromoni. Soromoni akati kwaari, “Enda kumba kwako.”