Ndiri kukunyorerai imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuti muzive kuti muno upenyu husingaperi. Ruvimbo rwatinarwo naye ndorwurwu rwokuti kana tikamukumbira chii zvacho chinowirirana nokuda kwake anotinzwa. Kana tichiziva kuti anotinzwa pane zvose zvatinomukumbira, izvozvo ndizvo zvatinoziva nazvo kuti kana tikakumbira chinhu kwaari tatochiwana kare. Kana munhu akaona mumwe wake achiita chitadzo chisingaurayi anogona kumunamatira. Mwari anobva apa mutadzi iyeyo upenyu kwete anenge apara chitadzo chinouraya. Kune chitadzo chinouraya. Handisi kuti munhu anamatire mumwe panaizvozvo. Kuita kwakaipa kwose chitadzo. Asi kune chitadzo chisingaurayi. Tinoziva kuti munhu anenge ari mwana waMwari haaiti chitadzo. Asi uyo akaberekwa naMwari, Mwari anomuchengetedza. Saizvozvo muipi uya haambomubatabati. Tinoziva kuti tiri vanhu vaMwari. Pasi pose pari mumaoko omuipi uya. Asi tinoziva kuti Mwanakomana waMwari akauya uye akatipa kunzwisisa kuti tizive iye wechokwadi. Isuwo tiri muna iye wechokwadi. MuMwanakomana wake Jesu Kristu iyeyu ndiMwari wechokwadi uyezve iye upenyu husingaperi. Vanangu chenjererai vamwari vasirivo.
Verenga chikamu 1 Johani 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Johani 5:13-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo