Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Johani 5:13-21

1 Johani 5:13-21 SNA2002

Ndakakunyorerai zvinhu izvi kuti mugoziva kuti munoupenyu husingaperi, iyemi munotenda kuzita roMwanakomana waMwari. Ndiko kusatya, kwatinako kwaari, kuti kana tichikumbira chinhu nokuda kwake, anotinzwa; zvino kana tichiziva kuti unotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tapiwa mikumbiro yatakakumbira kwaari. Kana munhu achiona hama yake ichiita chinhu chisati chiri chorufu, achakumbira, Mwari agomupa upenyu hunopiwa vasingaiti chivi chorufu. Chiripo chivi chorufu; handiti akumbire pamusoro pechichi. Kusarurama kwose chivi; zvino chivi chiripo chisati chiri chorufu. Tinoziva kuti mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haaiti zvivi; asi akaberekwa naMwari anochengetwa naye, akaipa haangamubati. Tinoziva kuti tiri vaMwari, nenyika yose igere muna iye wakaipa. Tinoziva kuti Mwanakomana waMwari akauya, akatipa kuziva, kuti tizive iye nechokwadi; nesu tiri muna iye nechokwadi, muMwanakomana wake, Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi, noupenyu husingaperi. Vana vaduku, zvichenjererei pazvifananidzo.

Verenga chikamu 1 Johani 5