Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Johani 5:1-21

1 Johani 5:1-21 SCLB

Munhu wose anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, mwana waMwari. Munhu anoda mubereki anodawo mwana waanobereka. Chatinoziva nacho kuti tinoda vana vaMwari, kuda Mwari nokuteerera mitemo yake. Kuda Mwari kunoreva kuchengeta mitemo yake uye mitemo yake hairemi nokuti mwana wose waMwari anokunda nyika. Chinhu chinokunda pasi ndechichi, chitendero chedu. Ndiani anokunda pasi kana asiri uyo anotenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari. Jesu Kristu ndiye akauya nemvura neropa kwete nemvura chete asi nemvura neropa. Mweya ndiye chapupu nokuti Mweya ndiye chokwadi. Kune zvapupu zvitatu zvinoti Mweya neropa nemvura. Zvose zviri zvitatu zvinowirirana. Kana tichigamuchira uchapupu hwavanhu, ko kutozoti hwaMwari, hukuru kupinda hwavanhu. Ihwohwu ndihwo huchapupu hwaMwari hwaakaita kuMwanakomana wake. Munhu anotenda muna Mwanakomana waMwari ano uchapupu ihwohwo maari, uyowo asingatendi muna Mwari anomuita munyepi nokuti anenge asina kutenda muuchapupu hwaakaita kuMwanakomana wake. Uchapupu hwacho ndohwuhwu hunoti: Mwari akatipa upenyu husingaperi upenyu ihwohwo huri muMwanakomana wake. Munhu anenge ana Mwanakomana ano upenyu anenge asina Mwanakomana waMwari haanawo upenyu. Ndiri kukunyorerai imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuti muzive kuti muno upenyu husingaperi. Ruvimbo rwatinarwo naye ndorwurwu rwokuti kana tikamukumbira chii zvacho chinowirirana nokuda kwake anotinzwa. Kana tichiziva kuti anotinzwa pane zvose zvatinomukumbira, izvozvo ndizvo zvatinoziva nazvo kuti kana tikakumbira chinhu kwaari tatochiwana kare. Kana munhu akaona mumwe wake achiita chitadzo chisingaurayi anogona kumunamatira. Mwari anobva apa mutadzi iyeyo upenyu kwete anenge apara chitadzo chinouraya. Kune chitadzo chinouraya. Handisi kuti munhu anamatire mumwe panaizvozvo. Kuita kwakaipa kwose chitadzo. Asi kune chitadzo chisingaurayi. Tinoziva kuti munhu anenge ari mwana waMwari haaiti chitadzo. Asi uyo akaberekwa naMwari, Mwari anomuchengetedza. Saizvozvo muipi uya haambomubatabati. Tinoziva kuti tiri vanhu vaMwari. Pasi pose pari mumaoko omuipi uya. Asi tinoziva kuti Mwanakomana waMwari akauya uye akatipa kunzwisisa kuti tizive iye wechokwadi. Isuwo tiri muna iye wechokwadi. MuMwanakomana wake Jesu Kristu iyeyu ndiMwari wechokwadi uyezve iye upenyu husingaperi. Vanangu chenjererai vamwari vasirivo.

Verenga chikamu 1 Johani 5