Mumwe nomumwe, anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, iye akaberekwa naMwari; mumwe nomumwe, anoda iye akabereka, anodawo akaberekwa naye. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, tichiita mirayiro yake.
Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirayiro yake; mirayiro yake hairemi. Nokuti chinhu chipi nechipi, chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; kukunda kwakakunda nyika, ndiko kutenda kwedu. Ndianiko anokunda nyika? Haazi iye anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari here?
Ndiye akauya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; haana kuuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Ndiye Mweya anopupura, nokuti Mweya ndiye chokwadi. Nokuti kune zvitatu zvinopupura, zvinoti: Mweya, nemvura neropa; zvitatu izvi zvinopupura chinhu chimwe.
Kana tichigamuchira kupupura kwavanhu, kupupura kwaMwari kukuru; nokuti kukupupura kwaMwari ndiko, kuti akapupura pamusoro poMwanakomana wake. Uyo, anotenda kuMwanakomana waMwari, kupupura anako mukati make; asingatendi Mwari akamuita murevi wenhema; nokuti haana kutenda kupupura kwakapupurirwa naMwari pamusoro poMwanakomana wake.
Kupupura ndiko, kuti Mwari akatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhwu huri muMwanakomana wake. Ane Mwanakomana waMwari ano upenyu, asina Mwanakomana waMwari, haano hupenyu.
Ndakakunyorerai zvinhu izvi kuti mugoziva kuti munoupenyu husingaperi, iyemi munotenda kuzita roMwanakomana waMwari. Ndiko kusatya, kwatinako kwaari, kuti kana tichikumbira chinhu nokuda kwake, anotinzwa; zvino kana tichiziva kuti unotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tapiwa mikumbiro yatakakumbira kwaari.
Kana munhu achiona hama yake ichiita chinhu chisati chiri chorufu, achakumbira, Mwari agomupa upenyu hunopiwa vasingaiti chivi chorufu. Chiripo chivi chorufu; handiti akumbire pamusoro pechichi. Kusarurama kwose chivi; zvino chivi chiripo chisati chiri chorufu.
Tinoziva kuti mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haaiti zvivi; asi akaberekwa naMwari anochengetwa naye, akaipa haangamubati. Tinoziva kuti tiri vaMwari, nenyika yose igere muna iye wakaipa. Tinoziva kuti Mwanakomana waMwari akauya, akatipa kuziva, kuti tizive iye nechokwadi; nesu tiri muna iye nechokwadi, muMwanakomana wake, Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi, noupenyu husingaperi. Vana vaduku, zvichenjererei pazvifananidzo.