Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Johani 3:18-24

1 Johani 3:18-24 SCLB

Vanangu ngatiregei kungodana zvapamuromo kana zvokungobatana kumeso asi muzviito nomuchokwadi. Izvozvi ndizvo zvinotizivisa kuti tiri pachokwadi uye zvinotigadzanisa mwoyo pamberi pake kana hana dzedu dzotipomera mhosva, nokuti Mwari mukuru pane hana dzedu uye anoziva zvose. Vadikanwi kana hana dzedu dzisingatipi mhosva tine chivimbo pamberi paMwari. Tinopiwa naye zvose zvatinokumbira nokuti tinochengeta mitemo yake tichiita zvinomufadza. Mutemo wake ndouya wokuti: Tinofanira kutenda muzita roMwanakomana wake Jesu Kristu uye kudanana sokutiudza kwaakaita. Vose vanochengeta mitemo yake vanogara vakabatana naye iyewo akabatanawo navo. Izvi ndizvo zvinotizivisa kuti iye akabatana nesu, zvokuti akatipa Mweya Mutsvene.

Verenga chikamu 1 Johani 3