Vana vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nechokwadi. Ndozvatichaziva nazvo kuti tiri vechokwadi, tigosimbisa mwoyo yedu pamberi pake; nokuti kana mwoyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru kumwoyo yedu, anoziva zvose. Vadikwanwi, kana mwoyo usingatipi mhaka, tinako kusatya pamberi paMwari; uye zvose zvatinokumbira tinopiwa naye, nokuti tinochengeta mirayiro yake, tichiita zvinomufadza. Ndiwo murayiro wake, kuti titende kuzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye tidane, sezvaakatirayira. Anochengeta mirayiro yake, anogara maari, naiye maari. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti anogara matiri; noMweya waakatipa.
Verenga chikamu 1 Johani 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Johani 3:18-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo