Panyaya dzamakanyora, zvakanaka kuti murume arege zvake kumbobata munhukadzi. Asi pamusana peupombwe huriko, murume oga oga anofanira kuva nomukadzi wake uyewo mukadzi mumwe nomumwe anofanira kuva nomurume wake. Murume anofanira kupa mukadzi wake zvaanofanira kumupa somurume wake, ndizvozvowo nomukadzi kumurume wake. Mukadzi haana simba pamusoro pomuviri wake asi murume wake; murumewo haana simba pamusoro pomuviri wake asi mukadzi wake. Regai kunyimana, kunze kokunge mabvumirana kuregera kwechinguva, kuti mumbonamata, asi mozodzokerana zvakare nokuti Satani angadaro akakuedzai nokutadza kuzvibata. Handisi kutaura izvi kwamuri somutemo asi kukubairai zanhi. Ini ndingatoda kuti dai vanhu vose vakaita zvandakaita ini. Zvakadaro zvazvo, vanhu vose vakapiwa zvipo zvakasiyana–siyana, munhu nomunhu achipiwa naMwari chipo chisina vamwe. Kuna vasina kuroora nechirikadzi, ndinoti zviri nani kwavari kuramba vasina kuwana sezvandiri. Asi kana vasingakwanisi kuzvibata ngavawane nokuti zvirinani kuwana pano kutsva nehavi.
Verenga chikamu 1 Vakorinde 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Vakorinde 7:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo