Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 7:1-9

1 VaKorinde 7:1-9 SNA2002

Zvino kana zviri zvamakandinyorera, ndinoti, Zvakanaka kuti munhu arege kuwana mukadzi. Asi nokuda kwoupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake. Murume ngaape mukadzi zvakafanira; nomukadzi adarowo kumurume. Mukadzi haana simba pamusoro pomuviri wake, asi murume; saizvozvowo murume haana simba pamusoro pomuviri wake, asi mukadzi. Musanyimana, asi muchiita nguva duku, mambotenderana, kuti muve nenguva yokunyengetera, ndokusanganazve, kuti Satani arege kukuedzai pakusagona kwenyu kuzvidzora. Asi ndinotaura izvi, ndichikutenderai, ndisingarayiri. Nokuti ndinoda kuti vanhu vose vave seni. Asi munhu mumwe nomumwe ane chipiwa chake, chinobva kuna Mwari, mumwe chorudzi urwu, mumwe chorumwe rudzi. Asi ndinoti kuna vasina kuwana, nokuchirikadzi, Zvakanaka kuti vagare seni. Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavawane; nokuti zviri nani kuti vawane pakutsva.