1 Vakorinde 5
5
B: MUNHU ARIKUITA UNZENZA NOMUDZIMAI WABABA
Mukristu akatorana naamainini vake
1Ndiri kunzwa zvechokwadi kuti pakati penyu pari kuitwa unzenza husingatombowanikwi kunyange pakati pavasiri vanamati. Pano murume ari kutorana nomudzimai wababa vake. 2Asi imi motozvikudza imi, musingatozvichema kuti munhu akaita izvi abviswe pakati penyu. 3Ichokwadi zvazvo kuti handiko ikoko asi mwoyo wangu uri ikoko, sokunge ndiri ikoko. Munhu akaita izvozvo ndatomubata nemhosva, 4muzita raTenzi Jesu. Pamunenge maungana ndinemiwo mupfungwa dzangu. Nesimba raTenzi wedu Jesu 5munofanira kuturira munhu iyeyo kuna Satani kuti muviri wake uparadzwe kuti mweya wake uponeswe nezuva raTenzi Jesu.#5:5 Jesu: Mamwe maBhaibhiri okutanga anosiya izwi rokuti Jesu pano apa.
6Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shomanana inofutisa#5:6 Inofutisa: Inovirisa mukanyiwa wose. mukanyiwa wose? 7Bvisai mbiriso yakare kuti muve mukanyiwa mutsva. Izvo zviri izvowo chaizvo zvamuri zvokuti hamuna kufutiswa nokuti Kristu hwayana yedu yePasika yakaitwa chibayiro. 8Naizvozvo ngatichengetei zuva guru#5:8 Zuva guru: Zuva guru riri kutaura apa izuva guru rePasika. kwete nembiriso yakare, mbiriso yokuipa mwoyo nezviito zvakaipa asi kuva nechingwa chisina mbiriso chokuva pachokwadi uye chine chokwadi. 9Ndakambokunyorerai mutsamba yangu ndichiti musafambidzane navanhu vounzenza.
10Hatisi kureva vounzenza vose vose vapanyika kana vanoruchiva namakororo kana vanonamata zvinhu zvisiri Mwari nokuti mungatofanira kubva pasi pano. 11Asiwo zvandakakunyorerai ndezvokuti murege kufambidzana nani zvake anodaidzwa kunzi hama muna Kristu kana ane mhosva younzenza kana yoruchiva kana kuti munamati wezvisiri Mwari kana munyombi kana chidhakwa kana gororo kana kumbodya nomunhu akadaro. 12Handinei nokutonga varikunze. Handiti vari musangano ndivo chete vamunotonga. 13Mwari ndiye anotonga vari kunze. Dzingai munhu uyo akaipa pakati penyu.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Vakorinde 5: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.