1
1 Vakorinde 5:11
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Asiwo zvandakakunyorerai ndezvokuti murege kufambidzana nani zvake anodaidzwa kunzi hama muna Kristu kana ane mhosva younzenza kana yoruchiva kana kuti munamati wezvisiri Mwari kana munyombi kana chidhakwa kana gororo kana kumbodya nomunhu akadaro.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Vakorinde 5:7
Bvisai mbiriso yakare kuti muve mukanyiwa mutsva. Izvo zviri izvowo chaizvo zvamuri zvokuti hamuna kufutiswa nokuti Kristu hwayana yedu yePasika yakaitwa chibayiro.
3
1 Vakorinde 5:12-13
Handinei nokutonga varikunze. Handiti vari musangano ndivo chete vamunotonga. Mwari ndiye anotonga vari kunze. Dzingai munhu uyo akaipa pakati penyu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo