Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 16:10-24

1 Vakorinde 16:10-24 SCLB

Kana Timoti auya itomugadzanisai hana pakati penyu nokuti ari kuita basa raTenzi sezvandiri kuita. Ngaparege kuva nomunhu anomushora. Muperekedzei aite rwendo rwake norugare kuti adzokere kwandiri nokuti ndinomutarisira kuno pamwe nevehama. Panyaya yezvaAporosi, hama yedu, ndakamukumbirisa kwazvo kuti azokushanyirai pamwechete navamwe vehama asi chakanga chisiri chido chake kuti auye iye zvino. Achauya kana awana mukana. Rindirai, makasimba nacho chitendero, ivai nechivindi makagwinya. Zvose zvamunoita zviitei norudo. Ndinokukurudzirai hama dzangu, sezvamunoziva kuti mhuri yokwaStefanasi ndiyo yakatanga kupinduka muAkaya vakazvipira kushandira vanhu vaMwari kuzviisa pasi pavanhu vakadaro napasi pavavo vanobatsirana navo navashandi. Ndinofara nokuuya kwaStefanasi naFotunatusi naAkayakusi nokuti vakakutsivai pamakanga musipo. Vakandipa kufefeterwa mwoyo kunyange nemiwo. Remekedzai vanhu vakadaro. Masangano okuAsia anokukwazisai. Akwira naPrisika neSangano rinopindira pamba pavo vanokukwazisai zvikuru muna Tenzi. Vehama vose vanokukwazisai. Kwazisanai muchiomberana zvakarurama. Iniwo Pauro ndinokukwazisai ndichitonyorawo noruoko rwangu. Kana pane asina rudo naTenzi ngaave norushambwa. Tenzi wedu uyai. Nyasha dzaTenzi Jesu ngadzive nemi. Ini ndinokudai mose muna Kristu Jesu. Ameni.