Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 16:10-24

1 VaKorinde 16:10-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Kana Timoti akauya, chenjerai kuti agare nemi asina chaangatya ari pakati penyu nokuti anobata basa raShe, sezvandinoita neniwo. Naizvozvo, ngakurege kuva nomumwe anoramba kumugamuchira. Muperekedzei parwendo rwake norugare kuti akwanise kuuya kwandiri. Ndiri kumutarisira pamwe chete nehama. Zvino pamusoro pehama yedu Aporosi: Ndakamukurudzira kwazvo kuti auye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama. Akanga asingadi kuuya iye zvino, asi achauya kana awana mukana. Rindai; mirai nesimba mukutenda; ivai varume vakashinga; ivai nesimba. Itai zvinhu zvose murudo. Munoziva kuti mhuri yaStefanasi ndivo vakava vatendi vokutanga muAkaya, uye vakazvipira kushumira vatsvene. Ndinokukurudzirai hama, kuti muzviise pasi pevakadai seava nepasi pavose vanobatana nesu pabasa, uye nevanoshingaira pariri. Ndakafara pakasvika Stefanasi, naFochunatusi naAkayikasi, nokuti vakandiitira zvamakanga musingagoni kundiitira imi. Nokuti vakazorodza mweya wangu neyenyuwo. Varume vakadai vanofanira kukudzwa. Kereke dziri mudunhu reEzhia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna She, uyewo nekereke inoungana mumba mavo. Hama dzose dziri kuno dzinokukwazisai. Kwazisanai nokutsvoda kutsvene. Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu. Kana mumwe munhu asingadi Ishe, kutukwa ngakuve pamusoro pake. Uyai, imi Ishe! Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive nemi. Rudo rwangu ngaruve nemi mose muna Kristu Jesu. Ameni.

1 VaKorinde 16:10-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino kana Timotio aciȿika, cenjerai kuti agare nemi asiŋgatyi; nokuti unoɓate‐ɓasa raShe, sendandinoita neni ʋo. Naiɀoɀo ŋgakurege kuʋa nomunhu unomuɀidza. Asi mumuperekedzei norugare, kuti aʋuye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamŋe cete nehama. Ɀino kana ari Aporo, hama yeɗu, ndakakumbira kwaari ɀikuru, kuti aʋuye kwamuri pamŋe cete nedzimŋe hama; asi wakaŋga asiŋgatoŋgoɗi kuʋuya ɀino, ucaʋuya hake kana awana ŋguʋa yakanaka. Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai saʋarume, musimbiswe. Ɀose ɀamunoita ŋgaɀiitwe noruɗo. Ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, — munoziʋa mhuri yaStefana, kuti ndico ciɓereko cokutaŋga paAkaya, ʋakaɀiisa kuti ʋashumire ʋatȿene — Kuti nemi ʋo muɀiise pasi paʋakaɗaro, napasi paʋose ʋanotiɓatsira naʋanoɓata. Ndinofara nokuʋuya kwaStefana, naFortunato, naAkaiako; nokuti iʋo ʋakandiitira ɀamakaŋga musiŋgagoni kuita imi. Nokuti ʋakazorodza mŋeya waŋgu nowenyu; naiɀoɀo kudzai ʋakaɗaro. Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira ʋanokukwazisai ɀikuru munaShe, pamŋe cete nekereke iri mumba maʋo. Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokuȿeta kutȿene. Ndiko kukwazisa kwaŋgu, ini Pauro, noruʋoko rwaŋgu. Kana munhu asiŋgaɗi Ishe, ŋgaaʋe wakatukwa. Ishe unoʋuya! Nyasha dzaShe Jesu ŋgadziʋe nemi. Ruɗo rwaŋgu ŋgaruʋe nemi mose munaKristu Jesu.