1 VaKorinde 16:10-24
1 VaKorinde 16:10-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Kana Timoti auya itomugadzanisai hana pakati penyu nokuti ari kuita basa raTenzi sezvandiri kuita. Ngaparege kuva nomunhu anomushora. Muperekedzei aite rwendo rwake norugare kuti adzokere kwandiri nokuti ndinomutarisira kuno pamwe nevehama. Panyaya yezvaAporosi, hama yedu, ndakamukumbirisa kwazvo kuti azokushanyirai pamwechete navamwe vehama asi chakanga chisiri chido chake kuti auye iye zvino. Achauya kana awana mukana. Rindirai, makasimba nacho chitendero, ivai nechivindi makagwinya. Zvose zvamunoita zviitei norudo. Ndinokukurudzirai hama dzangu, sezvamunoziva kuti mhuri yokwaStefanasi ndiyo yakatanga kupinduka muAkaya vakazvipira kushandira vanhu vaMwari kuzviisa pasi pavanhu vakadaro napasi pavavo vanobatsirana navo navashandi. Ndinofara nokuuya kwaStefanasi naFotunatusi naAkayakusi nokuti vakakutsivai pamakanga musipo. Vakandipa kufefeterwa mwoyo kunyange nemiwo. Remekedzai vanhu vakadaro. Masangano okuAsia anokukwazisai. Akwira naPrisika neSangano rinopindira pamba pavo vanokukwazisai zvikuru muna Tenzi. Vehama vose vanokukwazisai. Kwazisanai muchiomberana zvakarurama. Iniwo Pauro ndinokukwazisai ndichitonyorawo noruoko rwangu. Kana pane asina rudo naTenzi ngaave norushambwa. Tenzi wedu uyai. Nyasha dzaTenzi Jesu ngadzive nemi. Ini ndinokudai mose muna Kristu Jesu. Ameni.
1 VaKorinde 16:10-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana Timoti achisvika, chenjerai kuti agare nemi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe, sezvandinoita neniwo. Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anomuzvidza. Asi muperekedzei norugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamwechete nehama. Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti auye kwamuri pamwechete nedzimwe hama; asi akanga asingatongodi kuuya zvino, achauya hake kana awana nguva yakanaka. Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai savarume, musimbiswe. Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo. Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, munoziva mhuri yaSitefani, kuti ndicho chibereko chokutanga paAkaya, vakazviisa kuti vashumire vatsvene. Kuti nemiwo muzviise pasi pavakadaro, napasi pavose vanotibatsira navanobata basa iri. Ndinofara nokuuya kwaSitefani, naFochunatosi, naAkayikosi; nokuti ivo vakandiitira zvamakanga musingagoni kuita imi. Nokuti vakazorodza mweya wangu nowenyu; naizvozvo kudzai vakadaro. Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwechete nekereke iri mumba mavo. Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokutsvoda kutsvene. Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruoko rwangu. Kana munhu asingadi Ishe, ngaave akatukwa. Ishe anouya! Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive nemi. Rudo rwangu ngaruve nemi mose muna Kristu Jesu.
1 VaKorinde 16:10-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana Timoti akauya, chenjerai kuti agare nemi asina chaangatya ari pakati penyu nokuti anobata basa raShe, sezvandinoita neniwo. Naizvozvo, ngakurege kuva nomumwe anoramba kumugamuchira. Muperekedzei parwendo rwake norugare kuti akwanise kuuya kwandiri. Ndiri kumutarisira pamwe chete nehama. Zvino pamusoro pehama yedu Aporosi: Ndakamukurudzira kwazvo kuti auye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama. Akanga asingadi kuuya iye zvino, asi achauya kana awana mukana. Rindai; mirai nesimba mukutenda; ivai varume vakashinga; ivai nesimba. Itai zvinhu zvose murudo. Munoziva kuti mhuri yaStefanasi ndivo vakava vatendi vokutanga muAkaya, uye vakazvipira kushumira vatsvene. Ndinokukurudzirai hama, kuti muzviise pasi pevakadai seava nepasi pavose vanobatana nesu pabasa, uye nevanoshingaira pariri. Ndakafara pakasvika Stefanasi, naFochunatusi naAkayikasi, nokuti vakandiitira zvamakanga musingagoni kundiitira imi. Nokuti vakazorodza mweya wangu neyenyuwo. Varume vakadai vanofanira kukudzwa. Kereke dziri mudunhu reEzhia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna She, uyewo nekereke inoungana mumba mavo. Hama dzose dziri kuno dzinokukwazisai. Kwazisanai nokutsvoda kutsvene. Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu. Kana mumwe munhu asingadi Ishe, kutukwa ngakuve pamusoro pake. Uyai, imi Ishe! Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive nemi. Rudo rwangu ngaruve nemi mose muna Kristu Jesu. Ameni.
1 VaKorinde 16:10-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana Timoti achisvika, chenjerai kuti agare nemi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe, sezvandinoita neniwo. Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anomuzvidza. Asi muperekedzei norugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamwechete nehama. Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti auye kwamuri pamwechete nedzimwe hama; asi akanga asingatongodi kuuya zvino, achauya hake kana awana nguva yakanaka. Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai savarume, musimbiswe. Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo. Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, munoziva mhuri yaSitefani, kuti ndicho chibereko chokutanga paAkaya, vakazviisa kuti vashumire vatsvene. Kuti nemiwo muzviise pasi pavakadaro, napasi pavose vanotibatsira navanobata basa iri. Ndinofara nokuuya kwaSitefani, naFochunatosi, naAkayikosi; nokuti ivo vakandiitira zvamakanga musingagoni kuita imi. Nokuti vakazorodza mweya wangu nowenyu; naizvozvo kudzai vakadaro. Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwechete nekereke iri mumba mavo. Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokutsvoda kutsvene. Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruoko rwangu. Kana munhu asingadi Ishe, ngaave akatukwa. Ishe anouya! Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive nemi. Rudo rwangu ngaruve nemi mose muna Kristu Jesu.
1 VaKorinde 16:10-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kana Timoti auya itomugadzanisai hana pakati penyu nokuti ari kuita basa raTenzi sezvandiri kuita. Ngaparege kuva nomunhu anomushora. Muperekedzei aite rwendo rwake norugare kuti adzokere kwandiri nokuti ndinomutarisira kuno pamwe nevehama. Panyaya yezvaAporosi, hama yedu, ndakamukumbirisa kwazvo kuti azokushanyirai pamwechete navamwe vehama asi chakanga chisiri chido chake kuti auye iye zvino. Achauya kana awana mukana. Rindirai, makasimba nacho chitendero, ivai nechivindi makagwinya. Zvose zvamunoita zviitei norudo. Ndinokukurudzirai hama dzangu, sezvamunoziva kuti mhuri yokwaStefanasi ndiyo yakatanga kupinduka muAkaya vakazvipira kushandira vanhu vaMwari kuzviisa pasi pavanhu vakadaro napasi pavavo vanobatsirana navo navashandi. Ndinofara nokuuya kwaStefanasi naFotunatusi naAkayakusi nokuti vakakutsivai pamakanga musipo. Vakandipa kufefeterwa mwoyo kunyange nemiwo. Remekedzai vanhu vakadaro. Masangano okuAsia anokukwazisai. Akwira naPrisika neSangano rinopindira pamba pavo vanokukwazisai zvikuru muna Tenzi. Vehama vose vanokukwazisai. Kwazisanai muchiomberana zvakarurama. Iniwo Pauro ndinokukwazisai ndichitonyorawo noruoko rwangu. Kana pane asina rudo naTenzi ngaave norushambwa. Tenzi wedu uyai. Nyasha dzaTenzi Jesu ngadzive nemi. Ini ndinokudai mose muna Kristu Jesu. Ameni.
1 VaKorinde 16:10-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana Timotio aciȿika, cenjerai kuti agare nemi asiŋgatyi; nokuti unoɓate‐ɓasa raShe, sendandinoita neni ʋo. Naiɀoɀo ŋgakurege kuʋa nomunhu unomuɀidza. Asi mumuperekedzei norugare, kuti aʋuye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamŋe cete nehama. Ɀino kana ari Aporo, hama yeɗu, ndakakumbira kwaari ɀikuru, kuti aʋuye kwamuri pamŋe cete nedzimŋe hama; asi wakaŋga asiŋgatoŋgoɗi kuʋuya ɀino, ucaʋuya hake kana awana ŋguʋa yakanaka. Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai saʋarume, musimbiswe. Ɀose ɀamunoita ŋgaɀiitwe noruɗo. Ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, — munoziʋa mhuri yaStefana, kuti ndico ciɓereko cokutaŋga paAkaya, ʋakaɀiisa kuti ʋashumire ʋatȿene — Kuti nemi ʋo muɀiise pasi paʋakaɗaro, napasi paʋose ʋanotiɓatsira naʋanoɓata. Ndinofara nokuʋuya kwaStefana, naFortunato, naAkaiako; nokuti iʋo ʋakandiitira ɀamakaŋga musiŋgagoni kuita imi. Nokuti ʋakazorodza mŋeya waŋgu nowenyu; naiɀoɀo kudzai ʋakaɗaro. Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira ʋanokukwazisai ɀikuru munaShe, pamŋe cete nekereke iri mumba maʋo. Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokuȿeta kutȿene. Ndiko kukwazisa kwaŋgu, ini Pauro, noruʋoko rwaŋgu. Kana munhu asiŋgaɗi Ishe, ŋgaaʋe wakatukwa. Ishe unoʋuya! Nyasha dzaShe Jesu ŋgadziʋe nemi. Ruɗo rwaŋgu ŋgaruʋe nemi mose munaKristu Jesu.