Zvino kana Timoti achisvika, chenjerai kuti agare nemi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe, sezvandinoita neniwo. Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anomuzvidza. Asi muperekedzei norugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamwechete nehama. Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti auye kwamuri pamwechete nedzimwe hama; asi akanga asingatongodi kuuya zvino, achauya hake kana awana nguva yakanaka. Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai savarume, musimbiswe. Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo. Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, munoziva mhuri yaSitefani, kuti ndicho chibereko chokutanga paAkaya, vakazviisa kuti vashumire vatsvene. Kuti nemiwo muzviise pasi pavakadaro, napasi pavose vanotibatsira navanobata basa iri. Ndinofara nokuuya kwaSitefani, naFochunatosi, naAkayikosi; nokuti ivo vakandiitira zvamakanga musingagoni kuita imi. Nokuti vakazorodza mweya wangu nowenyu; naizvozvo kudzai vakadaro. Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwechete nekereke iri mumba mavo. Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokutsvoda kutsvene. Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruoko rwangu. Kana munhu asingadi Ishe, ngaave akatukwa. Ishe anouya! Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive nemi. Rudo rwangu ngaruve nemi mose muna Kristu Jesu.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 16:10-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo