Nditevedzerei sokutevedzerawo kwandinoita Kristu. Ndinokurumbidzai nokundiyeuka kwenyu muna zvose uye nokuchengeta kwenyu magamuchidzanwa sokukudzidzisai kwandakaita. Asi ndinoda kuti muzive kuti Kristu ndiye musoro womurume oga oga, murumewo ndiye musoro womukadzi wake, Mwari ari iye musoro waKristu. Saka murume anonamata kana kuporofita akafukidza musoro anozvishoresa musoro wake. Asi mukadzi wose anonamata kana kuporofita asina kufukidza musoro anozvishoresa musoro wake. Zvakangofanana nokunge akaveurwa musoro wose. Kana mukadzi asingazvifukidzi musoro ngaaveure vhudzi rake. Zvino kana zviri zvakafumuka kuti mukadzi aguswe kana kuveurwa, ngaazvifukidze musoro nevhoiri. Murume haafaniri kuzvifukidza musoro nokuti iye mufananidzo nembiri yaMwari. Asi mukadzi imbiri yomurume, nokuti murume haana kuitwa achibva pamukadzi asi mukadzi akaitwa achibva pamurume. Uye murume haana kusikirwa mukadzi asi mukadzi akasikirwa murume. Pamusana paizvozvo mukadzi anofanira kuva nevhoiri mumusoro pamusana pavatumwa. Zvakadaro zvazvo, muna Tenzi, mukadzi haagoni kuvapo pasina murume, murumewo haagoni kuvapo pasina mukadzi. Sokuitwa kwakaitwa mukadzi achibva kumurume saizvozvowo murume anoberekwa nomukadzi. Asi vose vanobva kuna Mwari. Munozvionawo sei, zvinokodzera here kuti mukadzi anamate kuna Mwari asina kufukidza musoro? Ko iwo masikirwo akaitwa zvinhu pachawo haakudzidzisei here kuti, zvokuti murume achengete vhudzi refu, hazvimupi chimiro asi mukadzi akachengeta vhudzi refu ndizvo zvinotomudadisa nokuti akapiwa vhudzi rakareba kuti chive chokuzvifukidza nacho. Kana pane wenharo ndezvake; asi isu kana masangano aMwari hapana imwe tsika yatinoziva.
Verenga chikamu 1 Vakorinde 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Vakorinde 11:1-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo