Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 11:1-16

1 VaKorinde 11:1-16 SNA2002

Ivai vateveri vangu, seni ndiri muteveri waKristu. Zvino, ndinokurumbidzai, nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, muchichengeta tsika, sezvandakakupai idzo. Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro womumwe nomumwe ndiye Kristu; uye musoro womukadzi ndiye murume; uye musoro waKristu ndiye Mwari. Murume mumwe nomumwe, anonyengetera kana kuporofita musoro wake wakafukidzwa, anoninipisa musoro wake. Asi mukadzi mumwe nomumwe, anonyengetera kana kuporofita musoro wake usina kufukidzwa, anoninipisa musoro wake; nokuti ndizvo zvimwe nokuveurwa. Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaachekerwe vhudzi rakewo; asi kana zvisingafaniri kuti mukadzi achekerwe vhudzi, kana aveurwe, ngaafukidzwe. Nokuti murume haafaniri kufukidza musoro, zvaari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi ndiye kubwinya kwomurume. Nokuti murume haabvi kumukadzi; asi mukadzi anobva kumurume; uye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi akasikirwa murume; nokuda kwaizvozvo mukadzi anofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake, nokuda kwavatumwa. Kunyange zvakadaro muna Ishe mukadzi haazi kunze kwomurume, nomurume haazi kunze kwomukadzi. Nokuti mukadzi seanobva kumurume, nokudarowo murume unoberekwa nomukadzi; asi zvose zvinobva kuna Mwari. Tongai imi mumene: Zvakafanira kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa here? Ko hamudzidziswi naiwo musikirwo wavanhu kuti kana murume ane vhudzi refu, anonyadziswa nazvo here? Asi kana mukadzi ane vhudzi refu, ndiko kubwinya kwake; nokuti akapiwa vhudzi rake chive chifukidzo. Zvino kana mumwe anenge achida kuita gakava, hatina tsika yakadaro isu, kunyange kereke dzaMwari.