Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Nhoroondo 29:1-20

1 Nhoroondo 29:1-20 SCLB

Mambo Dhavhidhi akati kugungano rose, “Mwanangu Soromoni uyu, nyakusarudzwa naMwari, achiri mudiki. Haasati agara nebasa asi basa iguru nokuti muzinda wacho hausi womunhu asi ndewaTenzi Mwari. Nokudaro ndakaunganidzira nepandinogonawo napo imba yaMwari ndarama yokugadzirisa zvinhu zvendarama nesirivhawo yokugadzirisa zvinhu zvesirivha nendarira yokugadzirisa zvinhu zvendarira nesimbi yokugadzirisa zvesimbi namapango okugadzirisa zvinhu zvamapango. Ndakaunganidzawo mirwi nemirwi yamatombo eonikisi neokuisa pazvinhu namatombo eandimoni nematombo amavara mavara nemhando nemhando dzamatombo anokosha nedombo romunyakwe. Chimwewo ndechokuti, kuwedzera pane izvozvi zvandakaunganidzira imba inoera yacho, ndine upfumiwo hwangu hwendarama nesirivha. Zvino pamusana pechido chandinacho nemba yaMwari wangu ndinohupa kuimba yaMwari wangu. Hunoti: ndarama inopfuura zana ramatani, ndarama yokuOfiri nesirivha chaiyo yakanakisa inokarosvika matani mazana maviri ana makumi mana yokudzurura nayo madziro emba iyoyo, neyokuzoshandiswa nemhizha dzokugadzira zvinhu; ndarama iri yokugadzirisa zvinhu zvendarama, sirivha iri yokugadzirisawo zvesirivha. Zvino ndiani anonyatsozvipira nomwoyo unoda kuita basa raTenzi nhasi uno?” Vakuru vakuru vedzimhuri dzamadzibaba navakuru vakuru vamadzinza avo navakuru vakuru vezviuru nevemazana namakurukota aishandira mambo vakabvisa zvipo nomwoyo unoda. Vakabvisa zvokushandisa pabasa remba yaMwari zvinoti: ndarama inopfuura zana ramatani rina matani makumi manomwe, kwouya sirivha inodarika matani mazana matatu ane makumi mana, kwoti ndarira inokarosvika matani mazana matanhatu ana makumi maviri kwozoti simbi inopfuura matani zviuru zvitatu zvina mazana mana. Ani naani aiva nematombo anokosha akaaendesa maichengeterwa upfumi hwemba yaTenzi achichengetwa naJeieri wokwaGerishoni. Vanhu vakapembera kufara nokuti ivava ava vakanga vapa nomwoyo unoda. Kanawo mambo Dhavhidhiwo akafara zvikuru kwazvo. Naizvozvo Dhavhidhi akarumbidza Tenzi ari pamberi pegungano rose; Dhavhidhi akati, “Mwari ngaarumbidzwe, iyemi Tenzi, Mwari wavaIsiraeri baba wedu nokusingapere. Ukuru nesimba nembiri nokukunda noumambo ndezvenyu imi Tenzi nokuti zvose zviri mumatenga napasi pano ndezvenyu. Umambo ndohwenyu imi Tenzi uye ndimi munokudzwa somusoro wezvose. “Zvose zvazvo kupfuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, ndimi munotonga zvose. Simba noukuru zviri mumaoko enyu, zviriwo mumaoko enyu kugadza paukuru nokupawo zvose simba. Zvino tinokutendai imi Mwari wedu tichirumbidza zita renyu rine mbiri. “Ko ndiri aniwo zvangu panguwo pano? Kana ivo vanhu vangu chiiwo zvavo, kubva tatokwanisawo kubvisa zvipo kudai nomwoyo unoda; nokuti zvinhu zvose zvinobva kwamuri. Tangotorawo pane zvenyu tikakupaiwo. Ndinodaro nokuti kwamuri imimi isu tinongovawo zvedu vatorwa vanhu vokutama-tama sezvaingoitawo madzibaba edu ose. Mazuva edu apasi pano anoita somumvuri usingarambe uripo. “Imi Mwari wedu Tenzi, zvose izvi zvakawanda kudai zvataunganidza zvokukuvakirai nazvo imba yokuisa zita renyu rinoera zvinobva mumaoko enyu uye zvose zvazvo ndezvenyu. “Mwari wangu ndinoziva kuti munoongorora mwoyo womunhu uye kuti munofarira kururama; nokururama ikoko mumwoyo mangu ndapa zvinhu zvose izvi nomwoyo unoda. Iye zvino ndaonawo vanhu venyu ava vari pano vachikupaiwo zvipo nomwoyo unoda vachifara. “Tenzi, Mwari waVaAbhurahamu naVaIsaki navaIsiraeri madzitateguru edu, chengetedzai waro zvinangwa zvakadai narini wose nepfungwa idzodzi muhana dzevanhu venyu muite kuti mwoyo wavo urambe uri kwamuri. Itaiwo kuti mwanakomana wangu Soromoni achengete mitemo yenyu nezvirevo zvenyu nemirao yenyu nomwoyo wose azviite zvose uyewo kuti avake muzinda wandakaunganidzira zvinhu zvokuvakisa.” Dhavhidhi akazoti kugungano rose, “Rumbidzai Tenzi, Mwari wenyu!” Saizvozvowo gungano rose rakarumbidza Tenzi, Mwari wemadzibaba avo vakati kota kota pasi vachigwadamira Tenzi vakaremekedzawo mambo.