Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 29:1-20

1 Makoronike 29:1-20 SNA2002

Zvino mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Mwanakomana wangu Soromoni, wakatsaurwa iye oga naMwari, achiri muduku asine simba, asi basa iguru; nokuti imba huru haizi yomunhu, asi ndeyaJehovha Mwari. “Zvino ini nesimba rangu rose ndakagadzirira imba yaMwari wangu ndarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nendarira yezvinhu zvendarira, namatare ezvinhu zvamatare, namatanda ezvinhu zvamatanda; nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa mukati, nezvibwe zvoukomba, nezvina mavara-mavara, namamwe marudzi mazhinji ezvibwe zvinokosha, namabwe machena akawanda. Uyezve, zvandakada zvikuru imba yaMwari wangu, ini zvandine pfuma pachangu yendarama nesirivha, ndinozvipa imba yaMwari wangu, ndichiwedzera pane zvose zvandakagadzirira imba tsvene; zvinoti matarenda endarama ane zviuru zvitatu, endarama yeOfiri, namatarenda akanatswa esirivha ane zviuru zvinomwe, kufukidza madziro eimba nazvo; nendarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nezvamabasa ose anofanira kuitwa namaoko avapfuri. Zvino ndianiko anoda kupa nhendo dzake nomwoyo wake wose kuna Jehovha?” Ipapo machinda edzimba dzamadzibaba, namachinda amarudzi aIsiraeri, navakuru vezviuru navamazana, pamwechete navatariri vamabasa amambo vakapa nomwoyo wavo wose; vakapa kubata basa reimba yaMwari ndarama, matarenda ane zviuru zvishanu, namadariki ane zviuru zvine gumi, nesirivha, matarenda ane zviuru zvine gumi, nendarira, matarenda ane zviuru zvine gumi nezvisere, namatare, matarenda ane zviuru zvine zana. Vakanga vane zvibwe zvinokosha vakazvipa zviiswe papfuma yeimba yaJehovha, zvichitarirwa naJehieri muGerishoni. Ipapo vanhu vakafara zvavakapa nomwoyo wose, nokuti vakapa Jehovha nomwoyo wose wakarurama; mambo Dhavhidhiwo akafara nomufaro mukuru. Zvino Dhavhidhi akakudza Jehovha pamberi peungano yose; Dhavhidhi akati, “Imi mukudzwe, Jehovha, Mwari waIsiraeri baba vedu nokusingaperi. Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo; nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose. Pfuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, imi munobata ushe pamusoro pezvose; paruoko rwenyu pane simba noushe; ruoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa vose simba. “Saka zvino Mwari wedu, tinokuvongai nokurumbidza zita renyu rinobwinya. “Asi ini ndini ani, navanhu vangu chinyiko, zvatingagona kupa nomwoyo wose kudai? Nokuti zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu. Nokuti tiri vaeni pamberi penyu navatorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba edu; mazuva edu panyika akafanana nomumvuri, hakune tariro. Jehovha Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda zvatakagadzira kukuvakirai imba yezita renyu dzvene, zvinobva paruoko rwenyu; zvose ndezvenyu; ndinozivawo Mwari wangu, kuti imi munoidzawo mwoyo, munofanira kurarama. Kana ndirini, ndakapa izvi zvose nomwoyo wakarurama nomwoyo wose; zvino ndakafara ndichiona vanhu venyu vari pano vachikupai nomwoyo wose. Jehovha Mwari waAbhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, madzibaba edu, garisai izvi nokusingaperi pandangariro dzemifungo yemwoyo yavanhu venyu; rereudzai mwoyo yavo kwamuri; ipai Soromoni mwanakomana wangu mwoyo wakarurama, kuti achengete mirairo yenyu, nezvipupuriro zvenyu, nezvamakatema, kuti aite zvinhu izvi zvose, avake imba huru yandakagadzirira zvose.” Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Zvino kudzai Jehovha Mwari wenyu.” Ipapo ungano yakakudza Jehovha Mwari wamadzibaba avo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha namambo.