Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Nhoroondo 16:1-36

1 Nhoroondo 16:1-36 SCLB

Vakaunza bhokisi raMwari rechitenderano vakariisa mukati metendhe rarakanga ragadzirirwa naDhavhidhi vakapira zvibayiro zvokupisa nemipiro yokuwadzana pana Mwari. Dhavhidhi paakapedza kupira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana, akakomborera vanhu nezita raTenzi akagoveranisa vanhu vose veIsiraeri varume navakadzi zvokudya zvinoti chingwa nenyama yechirango nezvitsumbu zvamagirepisi akaomeswa. Chimwewo ndechokuti, akasarudza vamwe vaRevhi kuti vashande pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano vapote vachinamata nokutenda nokurumbidza Tenzi, Mwari weIsiraeri. Asafu ndiye aiva mutungamiriri wacho achitevedzerwa naZekariya naJeieri naShemiramoti naJehieri naMatitiya naEriyabhu naBhenaya naObhedhiedhomu naJeieri vaiva vokuridza madimbwa nezvipendani. Asafu ndiye aiva wokuridza makwakwakwa outare, Bhenaya naJahazieri vapristi, vari vokuramba vachiridza mabhosvo pamberi pebhokisi raMwari rechitenderano. Musi iwoyo Dhavhidhi akazoudza Asafu nehama dzake kuti vaimbire Tenzi rwiyo rwokutenda Tenzi vachiti: “Tendai Tenzi munamate kwaari nezita, muzivise mabasa ake kundudzi dzavanhu! Muimbirei, mumurumbidze nenziyo, mutaure zvishamiso zvaakaita! Pururudzai muzita rake rinoera, mwoyo yavanotsvaka Tenzi ipembere nokufara. Nekairai kutsvaka Tenzi mutsvakewo simba rake, shungu yokuda kuva pana Tenzi ngaive mugariro. Rangarirai zvishamiso zvaakaita, zviratidzo nemirao zvakabuda mumuromo make. Imi chizvarwa chaAbhurahamu muranda wake, imi vana vaJakobho vasarudzwi vake. Iyeyu Tenzi ndiye Mwari wedu mirao yake hakuna kwaisiri pasi pose. Rangarirai nokusingapere chitenderano chake, shoko raakati richengetwe kunyange, kusvikira kuchizvarwa chavanhu chechiuru, chitenderano chaakaita naAbhurahamu, chitsidzo chaakaita kuna Isaki; chaakazvisunga nacho somurao kuitira Jakobho, sechitenderano chake naIsiraeri, chokugara nokugara achiti: ‘Ndichakupa nyika yeKanani somugove wako wenhaka.’ Ipapo vakanga vachiri katsama chete, vanhu vashomanana, vatorwa zvavo; vachidzunga nawo marudzi akasiya-siyana vachideva namo mumadzimambo nomumarudzi avanhu akasiyana-siyana. Zvokuti pave neanovabata zvakaipa akaramba, pamusana pavo aitsiura madzimambo achiti: ‘Musambobata-bata zvenyu vangu vandakazodza, vaporofita vangu musawane chamunoita kwavari.’ Pasi pose zvapo ngapaimbire Tenzi. Paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. Rondedzerai marudzi avanhu zvembiri yake, nokundudzi dzose zvishamiso zvaakaita, nokuti Tenzi mukuru anofanira kurumbidzwa chaizvo. Pavamwari vose zvavo ndiye chete anofanira kutyiwa nokuti vamwari vose vamarudzi ndavamwari vechipameso. Asi Tenzi ndiye akasika matenga, chiremera nembiri ndezvake, musha wake wakasimba, musha werufaro. Ipai Tenzi imi mhuri dzose dzavanhu, ipai Tenzi mbiri noukuru. Mbiri ngaiende kuna Tenzi, mbiri inokodzerana nezita rake. Takurai chipo muuye nacho paari. Pfugamirai Tenzi mune hanzu dzoutsvene. Pasi pose zvapo ngapadedere mberi kwake, nyika yakanyatsosimba haitsukunyuki. Matenga ngaafare, nyika izare nokufara, marudzi adure pachawo kuti, ‘Tenzi ndiye mutongi!’ Gungwa ngaritinhire nezvosewo zvizeremo, sango ngarifare kwazvo nezvosewo zvirimo. Miti yomusango ichadaidzira nokufara, kufarira Tenzi nokuti anouya kuzotonga nyika. Tendai Tenzi nokuti akanaka mwoyochena wake hauperi. Itiiwo, ‘Tiponeseiwo nhai Mwari ndimi Mwari anotiponesa. Tikokorodzeiwo mutinunure mukati mamarudzi tikwanise kutenda zita renyu rinoera tipembere kufara mukukurumbidzai kwatinoita Tenzi ngaarumbidzwe, narini narini Mwari weIsiraeri.’ ” Vanhu vose vakati, “Ameni,” vakarumbidza Tenzi.