Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 16:1-36

1 Makoronike 16:1-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari. Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha. Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwe nekeke ramazambiringa akaoma. Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri: Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari. Zuva iroro Dhavhidhi akapa kwokutanga Asafi navamwe vake pisarema iri rokuvonga Jehovha: Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai pakati pendudzi dzose zvaakaita. Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa. Zvirumbidzei muzita rake dzvene; mwoyo yaavo vanotsvaka Jehovha ngaifare. Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose. Rangarirai zvishamiso zvaakaita, zviratidzo zvake uye nemitongo yaakareva. Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake, haiwa imi vanakomana vaJakobho vasanangurwa vake. Ndiye Jehovha Mwari wedu; mitongo yake iri munyika yose. Anorangarira sungano yake nokusingaperi, shoko raakarayira, kwechiuru chezvizvarwa. Sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka. Akasimbisa kuna Jakobho somutemo, kuna Israeri sesungano isingaperi, achiti: “Kwauri ndichapa nyika yeKenani, sechikamu chenhaka yako.” Pavakanga vari vashoma, vari vashoma kwazvo, vari vatorwa mairi, vakadzungaira kubva kuno rumwe rudzi kusvika kuno rumwe, kubva kuno humwe umambo kusvika kuno humwe. Haana kutendera munhu kuti avadzvinyirire; nokuda kwavo akatuka madzimambo. “Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.” Imbirai Jehovha, pasi pose; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi, mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose. Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa; anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akasika matenga. Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake; simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake. Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi, ipai Jehovha kukudzwa nesimba, ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake. Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake. Dederai pamberi pake, imi nyika yose! Nyika yakasimbiswa kwazvo; haingazungunuswi. Matenga ngaafare, nyika ngaifare; ngavati pakati pendudzi, “Jehovha anotonga!” Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri; minda ngaifarisise nezvose zviri mairi. Ipapo miti yesango ichaimba, ichaimba nomufaro pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika. Vongai Jehovha nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi. Danidzirai muchiti, “Tiponesei, imi Mwari Muponesi wedu; tiunganidzei uye mutirwire pandudzi, kuti tigovonga zita renyu dzvene kuti tifarisise mukukurumbidzai.” Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Ipapo vanhu vose vakati, “Ameni” uye vakarumbidza Jehovha.

1 Makoronike 16:1-36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Vakapinza areka yaMwari, vakaiisa pakati petende rayakanga yadzikirwa naDhavhidhi; vakabayira pamberi paMwari zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa. Zvino Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu nezita raJehovha. Akapa mumwe nomumwe wavaIsiraeri, murume nomukadzi, mumwe nomumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nebundu ramadzambiringa. Akagadza vamwe vaRevhi, kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, nokurumbidza, nokuvonga, nokukudza Jehovha Mwari waIsiraeri; mukuru waiva Asafi, tevere Zekariya, naJeyieri, naShemiramoti, naJehieri, naMatitia, naEriabhi, naBhenaya, naObhedhiEdhomu, naJeyieri, vane mitengerengwa nembira; Asafi airidza kwazvo makandira. Bhenaya naJahazieri ndivo vairidza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari. Zvino nezuva iro Dhavhidhi akatanga kuraira kuti vavonge Jehovha nomuromo waAsafi nehama dzake: Vongai Jehovha, mudane zita rake; Zivisai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu. Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; Rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa. Zvirumbidzei muzita rake dzvene; Mwoyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare kwazvo. Tsvakai Jehovha nesimba rake; Tsvakai chiso chake nguva dzose. Rangarirai mabasa ake anoshamisa, aakaita; Zvishamiso zvake, nezvaakatonga nomuromo wake. Imi vana vaIsiraeri, muranda wake, Imi vana vaJakobho vasanangurwa vake. Ndiye Jehovha Mwari wedu, Zvaakatonga zviri pasi pose. Rangarirai sungano yake nokusingaperi, Iro shoko raakaraira kumarudzi ane chiuru; Iyo sungano yaakaita naAbhurahamu, Nemhiko yake kuna Isaka; Akazvisimbisira Jakobho, kuti ave mutemo, Kuna Isiraeri kuti ive sungano isingaperi; Achiti, “Ndichakupa iwe nyika yeKenani, Uve mugove wenhaka yenyu;” Panguva imi muchiri varume vashoma pakuverengwa, Zvirokwazvo vashoma kwazvo, navatorwa mairi. Vakafamba-famba vachibva kuno rumwe rudzi vachienda kuno rumwe, Nokubva kunoumwe ushe vachienda kunavamwe vanhu. Haana kutendera munhu kuvaitira zvakaipa; Zvirokwazvo wakatuka madzimambo nokuda kwavo; Achiti, “Musagunzva vazodzwa vangu, Navaporofita vangu musavaitira chakaipa.” Imbirai Jehovha, pasi pose; Paridzirai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe, dudzirai kubwinya kwake pakati pavahedheni, Namabasa ake anoshamisa pakati pendudzi dzose. Nokuti Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo; Iye anofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo hazvo; Asi Jehovha ndiye akaita kudenga-denga. Kukudzwa noumambo zviri pamberi pake; Simba nomufaro zviri panzvimbo yake; Ipai Jehovha, imi ndudzi dzavanhu, Ipai Jehovha kukudzwa nesimba. Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake; Uyai nechipiriso, uyai pamberi pake; Namatai kuna Jehovha mune nguo tsvene. Dedera pamberi pake, nyika yose Nyikawo yakasimbiswa kuti irege kuzununguswa. Kudenga-denga ngakufare, napasi ngapafarisise; Pakati pendudzi ngavati, “Jehovha anobata ushe.” Gungwa ngaritinhire, nokuzara kwaro; Sango ngarifarisise kwazvo, nezvose zviri mariri; Nguva iyo miti yedondo ichaimba nomufaro pamberi paJehovha; Nokuti anouya kuzotonga pasi. Vongai Jehovha; nokuti akanaka; Nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi. Muti, “Tiponesei, Mwari woruponeso rwedu, Mutiunganidze pamwechete, mutirwire pandudzi, Kuti tivonge zita renyu dzvene, Tifarisise pakukurumbidzai.” Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose vakati, “Ameni,” vakarumbidza Jehovha.

1 Makoronike 16:1-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Vakaunza bhokisi raMwari rechitenderano vakariisa mukati metendhe rarakanga ragadzirirwa naDhavhidhi vakapira zvibayiro zvokupisa nemipiro yokuwadzana pana Mwari. Dhavhidhi paakapedza kupira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana, akakomborera vanhu nezita raTenzi akagoveranisa vanhu vose veIsiraeri varume navakadzi zvokudya zvinoti chingwa nenyama yechirango nezvitsumbu zvamagirepisi akaomeswa. Chimwewo ndechokuti, akasarudza vamwe vaRevhi kuti vashande pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano vapote vachinamata nokutenda nokurumbidza Tenzi, Mwari weIsiraeri. Asafu ndiye aiva mutungamiriri wacho achitevedzerwa naZekariya naJeieri naShemiramoti naJehieri naMatitiya naEriyabhu naBhenaya naObhedhiedhomu naJeieri vaiva vokuridza madimbwa nezvipendani. Asafu ndiye aiva wokuridza makwakwakwa outare, Bhenaya naJahazieri vapristi, vari vokuramba vachiridza mabhosvo pamberi pebhokisi raMwari rechitenderano. Musi iwoyo Dhavhidhi akazoudza Asafu nehama dzake kuti vaimbire Tenzi rwiyo rwokutenda Tenzi vachiti: “Tendai Tenzi munamate kwaari nezita, muzivise mabasa ake kundudzi dzavanhu! Muimbirei, mumurumbidze nenziyo, mutaure zvishamiso zvaakaita! Pururudzai muzita rake rinoera, mwoyo yavanotsvaka Tenzi ipembere nokufara. Nekairai kutsvaka Tenzi mutsvakewo simba rake, shungu yokuda kuva pana Tenzi ngaive mugariro. Rangarirai zvishamiso zvaakaita, zviratidzo nemirao zvakabuda mumuromo make. Imi chizvarwa chaAbhurahamu muranda wake, imi vana vaJakobho vasarudzwi vake. Iyeyu Tenzi ndiye Mwari wedu mirao yake hakuna kwaisiri pasi pose. Rangarirai nokusingapere chitenderano chake, shoko raakati richengetwe kunyange, kusvikira kuchizvarwa chavanhu chechiuru, chitenderano chaakaita naAbhurahamu, chitsidzo chaakaita kuna Isaki; chaakazvisunga nacho somurao kuitira Jakobho, sechitenderano chake naIsiraeri, chokugara nokugara achiti: ‘Ndichakupa nyika yeKanani somugove wako wenhaka.’ Ipapo vakanga vachiri katsama chete, vanhu vashomanana, vatorwa zvavo; vachidzunga nawo marudzi akasiya-siyana vachideva namo mumadzimambo nomumarudzi avanhu akasiyana-siyana. Zvokuti pave neanovabata zvakaipa akaramba, pamusana pavo aitsiura madzimambo achiti: ‘Musambobata-bata zvenyu vangu vandakazodza, vaporofita vangu musawane chamunoita kwavari.’ Pasi pose zvapo ngapaimbire Tenzi. Paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. Rondedzerai marudzi avanhu zvembiri yake, nokundudzi dzose zvishamiso zvaakaita, nokuti Tenzi mukuru anofanira kurumbidzwa chaizvo. Pavamwari vose zvavo ndiye chete anofanira kutyiwa nokuti vamwari vose vamarudzi ndavamwari vechipameso. Asi Tenzi ndiye akasika matenga, chiremera nembiri ndezvake, musha wake wakasimba, musha werufaro. Ipai Tenzi imi mhuri dzose dzavanhu, ipai Tenzi mbiri noukuru. Mbiri ngaiende kuna Tenzi, mbiri inokodzerana nezita rake. Takurai chipo muuye nacho paari. Pfugamirai Tenzi mune hanzu dzoutsvene. Pasi pose zvapo ngapadedere mberi kwake, nyika yakanyatsosimba haitsukunyuki. Matenga ngaafare, nyika izare nokufara, marudzi adure pachawo kuti, ‘Tenzi ndiye mutongi!’ Gungwa ngaritinhire nezvosewo zvizeremo, sango ngarifare kwazvo nezvosewo zvirimo. Miti yomusango ichadaidzira nokufara, kufarira Tenzi nokuti anouya kuzotonga nyika. Tendai Tenzi nokuti akanaka mwoyochena wake hauperi. Itiiwo, ‘Tiponeseiwo nhai Mwari ndimi Mwari anotiponesa. Tikokorodzeiwo mutinunure mukati mamarudzi tikwanise kutenda zita renyu rinoera tipembere kufara mukukurumbidzai kwatinoita Tenzi ngaarumbidzwe, narini narini Mwari weIsiraeri.’ ” Vanhu vose vakati, “Ameni,” vakarumbidza Tenzi.

1 Makoronike 16:1-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

1 Makoronike 16:1-36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋakapinza areka yaMŋari, ʋakaiisa pakati petente rayakaŋga yadzikirwa naDavidi; ʋakaɓayira pamberi paMŋari ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa. Ɀino Davidi wakati apedza kuɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa, akaropafadza ʋanhu nezita raJehova. Akapa mumŋe nomumŋe waʋaIsraeri, murume nomukadzi, mumŋe nomumŋe ɓundu reciŋgwa, nenhindi yenyama, neɓundu ramazambiriŋga. Akagadza ʋamŋe ʋaRevi, kuti ʋashumire pamberi peareka yaJehova, nokurumbidza, nokuʋoŋga, nokukudza Jehova Mŋari waIsraeri; mukuru waiʋa Asafi, teʋere Zekaria, naJeieri, naShemiramoti, naJehieri, naMatitiya, naEriabi, naBenaya, naObedi‐edomi, naJeieri, ʋanemiteŋgeraŋwa nembira; Asafi wairidza kwaɀo makandira. Benaya naJahazieri ndiʋo ʋairidza hwamanda ŋguʋa dzose pamberi peareka yesuŋgano yaMŋari. Ɀino nezuʋa iro Davidi wakataŋga kuraira kuti ʋaʋoŋge Jehova nomuromo waAsafi nehama dzake: Ʋoŋgai Jehova, muɗane zita rake; Ziʋisai ɀaakaita pakati pendudzi dzaʋanhu. Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; Rondedzerai maɓasa ake ose anoshamisa. Ɀirumbidzei muzita rake dɀene; Mŋoyo yaʋanotȿaka Jehova ŋgaifare kwaɀo. Tȿakai Jehova nesimba rake; Tȿakai ciso cake ŋguʋa dzose. Raŋgarirai maɓasa ake anoshamisa, aakaita; Ɀishamiso ɀake, neɀaakatoŋga nomuromo wake. Imi ʋana ʋaIsraeri, muranda wake, Imi ʋana ʋaJakobo ʋasanaŋgurwa ʋake. Ndiye Jehova Mŋari weɗu: Ɀaakatoŋga ɀiri pasi pose. Raŋgarirai suŋgano yake nokusiŋgaperi, Iro shoko raakaraira kumarudzi anecuru; Iyo suŋgano yaakaita naAbrahama, Nemhiko yake kunaIsaka; Akaɀisimbisira Jakobo, kuti uʋe mutemo, KunaIsraeri kuti iʋe suŋgano isiŋgaperi; Aciti: Ndicakupa iwe nyika yeKanani, Uʋe mugoʋe wenhaka yenyu; Paŋguʋa imi muciri ʋarume ʋashoma pakuʋereŋgwa, Ɀirokwaɀo ʋashoma kwaɀo, naʋatorwa mairi. Ʋakafamba‐famba ʋacibva kunorumŋe rudzi ʋacienda kunorumŋe, Nokubva kunoʋumŋe ʋushe ʋacienda kunaʋamŋe ʋanhu. Haana‐kutendera munhu kuʋaitira ɀakaipa; Ɀirokwaɀo wakatuka madzimambo nokuɗa kwaʋo; Aciti: Musagunɀa ʋazodzwa ʋaŋgu, Naʋaprofita ʋaŋgu musaʋaitira cakaipa. Imbirai Jehova, pasi pose; Paridzirai kuponesa kwake zuʋa rimŋe nerimŋe, Ƌudzirai kubginya kwake pakati paʋahedeni, Namaɓasa ake anoshamisa pakati pendudzi dzose. Nokuti Jehova mukuru, unofanira kurumbidzwa kwaɀo; Iye unofanira kutyiwa kupfuʋura ʋamŋari ʋose. Nokuti ʋamŋari ʋose ʋendudzi ɀifananidzo haɀo; Asi Jehova ndiye wakaita kuɗeŋga‐ɗeŋga. Kukudzwa noʋumambo ɀiri pamberi pake; Simba nomufaro ɀiri panɀimbo yake; Ipai Jehova, imi ndudzi dzaʋanhu, Ipai Jehova kukudzwa nesimba. Ipai Jehova kukudzwa kunofanira zita rake; Ʋuyai necipiriso, ʋuyai pamberi pake; Namatai kunaJehova muneŋguʋo tȿene. Ƌeɗera pamberi pake, nyika yose; Nyika ʋo yakasimbiswa kuti irege kuzunuŋguswa. Kuɗeŋga‐ɗeŋga ŋgakufare, napasi ŋgapafarisise; Pakati pendudzi ŋgaʋati: Jehova unoɓata ʋushe. Guŋgwa ŋgaritinhire, nokuzara kwaro; Saŋgo ŋgarifarisise kwaɀo, neɀose ɀiri mariri; Ŋguʋa iyo miti yeɗondo icaimba nomufaro pamberi paJehova; Nokuti unoʋuya kuzotoŋga pasi. Ʋoŋgai Jehova; nokuti wakanaka; Nokuti nyasha dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Muti: Tiponesei, Mŋari woruponeso rweɗu, Mutiʋuŋganidze pamŋe cete, mutirwire pandudzi, Kuti tiʋoŋge zita renyu dɀene, Tifarisise pakukurumbidzai. Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, Kubva pakusiŋgaperi kuȿikira pakusiŋgaperi. Ʋanhu ʋose ʋakati: Ameni, ʋakarumbidza Jehova.