Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Nhoroondo 16

16
1Vakaunza bhokisi raMwari rechitenderano vakariisa mukati metendhe rarakanga ragadzirirwa naDhavhidhi vakapira zvibayiro zvokupisa nemipiro yokuwadzana pana Mwari. 2Dhavhidhi paakapedza kupira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana, akakomborera vanhu nezita raTenzi 3akagoveranisa vanhu vose veIsiraeri varume navakadzi zvokudya zvinoti chingwa nenyama yechirango#16:3 Yechirango: apa pakanzi nyama yechirango muchiHebheru panganziwo chambwa chemagirepisi. nezvitsumbu zvamagirepisi akaomeswa.
Basa ravaRevhi pane zveBhokisi Rechitenderano
4Chimwewo ndechokuti, akasarudza vamwe vaRevhi kuti vashande pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano vapote vachinamata nokutenda nokurumbidza Tenzi, Mwari weIsiraeri. 5Asafu ndiye aiva mutungamiriri wacho achitevedzerwa naZekariya naJeieri naShemiramoti naJehieri naMatitiya naEriyabhu naBhenaya naObhedhiedhomu naJeieri vaiva vokuridza madimbwa nezvipendani. Asafu ndiye aiva wokuridza makwakwakwa outare, 6Bhenaya naJahazieri vapristi, vari vokuramba vachiridza mabhosvo pamberi pebhokisi raMwari rechitenderano. 7Musi iwoyo Dhavhidhi akazoudza Asafu nehama dzake kuti vaimbire Tenzi rwiyo rwokutenda Tenzi vachiti:
Rwiyo rwaDhavhidhi rwokutenda Mwari
8“Tendai Tenzi munamate kwaari nezita,
muzivise mabasa ake kundudzi dzavanhu!
9Muimbirei, mumurumbidze nenziyo,
mutaure zvishamiso zvaakaita!
10Pururudzai muzita rake rinoera,
mwoyo yavanotsvaka Tenzi
ipembere nokufara.
11Nekairai kutsvaka Tenzi
mutsvakewo simba rake,
shungu yokuda kuva pana Tenzi
ngaive mugariro.
12Rangarirai zvishamiso zvaakaita,
zviratidzo nemirao zvakabuda mumuromo make.
13Imi chizvarwa chaAbhurahamu muranda wake,
imi vana vaJakobho vasarudzwi vake.
14Iyeyu Tenzi ndiye Mwari wedu
mirao yake hakuna kwaisiri pasi pose.
15Rangarirai nokusingapere chitenderano chake,
shoko raakati richengetwe
kunyange, kusvikira kuchizvarwa chavanhu chechiuru,
16chitenderano chaakaita naAbhurahamu,
chitsidzo chaakaita kuna Isaki;
17chaakazvisunga nacho somurao kuitira Jakobho,
sechitenderano chake naIsiraeri, chokugara nokugara
18achiti:
‘Ndichakupa nyika yeKanani
somugove wako wenhaka.’
19Ipapo vakanga vachiri katsama chete,
vanhu vashomanana, vatorwa zvavo;
20vachidzunga nawo marudzi akasiya-siyana
vachideva namo mumadzimambo nomumarudzi
avanhu akasiyana-siyana.
21Zvokuti pave neanovabata zvakaipa akaramba,
pamusana pavo aitsiura madzimambo
22achiti:
‘Musambobata-bata zvenyu vangu vandakazodza,
vaporofita vangu musawane chamunoita kwavari.’
23Pasi pose zvapo ngapaimbire Tenzi.
Paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.
24Rondedzerai marudzi avanhu zvembiri yake,
nokundudzi dzose zvishamiso zvaakaita,
25nokuti Tenzi mukuru
anofanira kurumbidzwa chaizvo.
Pavamwari vose zvavo
ndiye chete anofanira kutyiwa
26nokuti vamwari vose vamarudzi
ndavamwari vechipameso.
Asi Tenzi ndiye akasika matenga,
27chiremera nembiri ndezvake,
musha wake wakasimba,
musha werufaro.
28Ipai Tenzi imi mhuri dzose dzavanhu,
ipai Tenzi mbiri noukuru.
29Mbiri ngaiende kuna Tenzi,
mbiri inokodzerana nezita rake.
Takurai chipo muuye nacho paari.
Pfugamirai Tenzi mune hanzu dzoutsvene.
30Pasi pose zvapo ngapadedere mberi kwake,
nyika yakanyatsosimba haitsukunyuki.
31Matenga ngaafare, nyika izare nokufara,
marudzi adure pachawo kuti, ‘Tenzi ndiye mutongi!’
32Gungwa ngaritinhire nezvosewo zvizeremo,
sango ngarifare kwazvo nezvosewo zvirimo.
33Miti yomusango ichadaidzira nokufara,
kufarira Tenzi nokuti anouya kuzotonga nyika.
34Tendai Tenzi nokuti akanaka
mwoyochena wake hauperi.
35Itiiwo,
‘Tiponeseiwo nhai Mwari
ndimi Mwari anotiponesa.
Tikokorodzeiwo mutinunure
mukati mamarudzi
tikwanise kutenda zita renyu rinoera
tipembere kufara mukukurumbidzai kwatinoita
36Tenzi ngaarumbidzwe, narini narini
Mwari weIsiraeri.’ ”
Vanhu vose vakati, “Ameni,” vakarumbidza Tenzi.
Mipiro kuna Mwari paJerusaremu nokuGibheoni
37Dhavhidhi akazosiya Asafu nehama dzake ikoko pamberi pebhokisi rechitenderano raTenzi kuti vagare vachishanda pamberi pebhokisi rechitenderano basa rainge richifanira kuitwa zuva nezuva. 38Akasiyawo Obhedhiedhomu nehama dzake makumi matanhatu navasere. Obhedhiedhomu mwanakomana waJedhutuni naHosa ndivo vaifanira kuva vachengetedzi vokusuo guru.
39Akasiyawo mupristi Zadhoki nehama dzake vapristi patendhe rinoera raTenzi panzvimbo iya yakatunhumara yokuteurira yaiva kuGibheoni 40kuti vapire mipiro yokupisa kuna Tenzi paatari pokupisira mipiro nguva dzose kumangwanani nokumanheru maererano nezvakanyorwa mumutemo waTenzi waakapa Isiraeri. 41Vaivawo naHemani naJedhutumu navamwe vakanga vasarudzwa vachiita zvokudomwa namazita kuti vapote vachitenda Tenzi nokuti mwoyochena wake hauperi. 42Hemani naJedhutumu vaiva namabhosvo nemakwakwakwa midziyo yokuridza nokuimbisa, nziyo dzinoera. Vana vokwaJedhutumu ndivo vakapiwa basa rokuchengeta pasuo guru.
43Vanhu vose vakati uyu kwake uyu kwake kuenda kumisha yavo. Dhavhidhi akadzokera kumuzinda wake kundokomborera mhuri yake.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Nhoroondo 16: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda