1 Nhoroondo 17
17
Shoko romuporofita Natani kuna Dhavhidhi
(2 Sam 7:1–17)
1Dhavhidhi paakanga zvino anyatsogarawo mumuzinda wake akati kumuporofita Natani, “Tarisai muone, ini ndachidai zvangu kugara mumba yakashongedzwa nomusidhari, asi uku bhokisi raTenzi rechitenderano rakangoti njo mutendhe zvamo.” 2Natani akati kuna Dhavhidhi, “Endai zvenyu muite zvose zviri mumwoyo menyu nokuti Mwari anemi.” 3Asi usiku hwakarehwo shoko raTenzi rakasvika kuna Natani richiti, 4“Enda utaurire muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naTenzi, iwe hausiriwe unondivakira imba yokugara. 5Ndinodaro nokuti handina kumbogaraka mumba ini kubvira pandakatungamirira vaIsiraeri kusvikira pari nhasi. Asi changu ini kwanga kuri kugara mutendhe pose painge pambogarwa. 6Kwose kwandakafamba nevaIsiraeri vose ndakambobvunzawo here ini vatongi vavo vandaipa basa rokufudza vanhu vangu vaIsiraeri kuti, uri kuregerei kundivakira imba yakashongedzwa nomusidhari?’
7“Zvino chienda utaurire muranda wangu Dhavhidhi kuti zvanzi naTenzi wegurusvusvu rehondo, ‘Ndakakutora kumafuro kwawaifudza zvipfuwoka iwe kuti uve ishe wevanhu vangu vaIsiraeri. 8Ndaiva ndinewe kwose kwawaifamba ndikafanoparadza vavengi vako vose. Zvino ndichaita kuti zita rako rive nomukurumbira sezvakangoita mazita avakuru vakuru vepanyika. 9Ndinotsvakira vanhu vangu vaIsiraeri pokugara ndovasimapo kuti vagarewo zvavo pavo, vasisambofuruswa vaipi vasisambovapfuvisa sezvavaiita kare 10kubvira panguva yandaisarudzira vanhu vangu vaIsiraeri vatongi. Ndichaisa vavengi vako vose pasi pako. Uyewo Tenzi anoti kwauri iye Tenzi ndiye achatokuvakira imba. 11Mazuva ako akanga azokwana, wavata woendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ako, ndichamutsa mushure mako mumwe mwana wako pavana vako vakomana, mwana wako chaiye. Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi. 12Iyeyo ndiye anofanira kundivakira imba. Ndichaita kuti umambo hwake hurambe huripo narini wose. 13Ini ndichange ndiri baba kwaari, iyewo ari mwana kwandiri. Handizobvisa mwoyo wangu paari sokubvisa kwandakauita pane mumwe akakutangira. 14Asi kutoti ndichaita kuti ukuru hwake hudzike midzi ari mumba mangu narini wose, ari muumambo hwangu nokusingapere. Umambo hwake hauperi narini wose.’ ”
15Natani akarondedzera Dhavhidhi mashoko iwaya ose achimutaurirawo chiratidzo ichochi chose.
Munamato waDhavhidhi wokutenda
(2 Sam 7:18–29)
16Mambo Dhavhidhi akapinda akagara zvake pana Tenzi akanamata achiti:
“Ndiri aniwo zvangu
nhai Mwari, Tenzi.
Kana iyowo mhuri yokwangu, chiiwo zvayo,
kundisvitsawo pakadai?
17Sokunge izvozvi zvisina kukwana kwamuri imi Mwari,
masvika pokutotaura nezvichazoitika
mangwana, namangwana ayo
kumhuri yeni muranda wenyu.
Ndiwo maitiro enyu here iwaya kuvanhu
nhai Tenzi Mwari!
18“Pakadai apa, ini Dhavhidhi,
chii chimwewo chandingataure kwamuri
nokuremekedza kwamaiteni muranda wenyu?
Munondiziva wani ini muranda wenyu.
19Muchiitireni muranda wenyu Tenzi,
chiri chido chenyu zvenyu;
makaita chinhu chikuru chakadai
muchiita kuti zvinhu zvikuru zvose izvozvi zvizikanwe.
20Hakuna angamboenzaniswa nemi Tenzi,
uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu imi,
maererano nezvose zvatakanzwa munzeve dzedu.
21“Ndiani pasi pano akaita savanhu venyu vaIsiraeri
rudzi runoti Mwari anoenda kundozvinunurira zvake
kuti vave vanhu vake
uye kuti mbiri yezita renyu idhume
achivaitira mabasa makuru anotyisa
nokudzingira kunze marudzi
kuitira vanhu vake ivavo vaakanunura kuIjipiti.
22Makaitawo kuti vaIsiraeri
vave vanhu venyu nokusingapere,
imiwo Tenzi mukava Mwari wavo.
23“Zvino imi Tenzi chizadzikisai waro
zvamakareva nezvangu ini muranda wenyu
nemhuri yangu zvirambe zvakadaro,
muite sokuvimbisa kwamakaita;
24kuti zita renyu rizivikanwe
riende mbiri nokusingaperi
zvichinzi, ‘Tenzi wehondo nehondo,
Mwari waIsiraeri ndiye Mwari weIsiraeri.’
Uye kwamuri imba yangu
ini Dhavhidhi muranda wenyu imire.
25Pamusana pokuti imi Mwari wangu
mandidudzira pachena, ini muranda wenyu
kuti muchandivakira imba
ndokusakawo ini muranda wenyu ndaita
simba rokuita munamato wakadai kwamuri.
26“Zvino Tenzi, imi ndimi Mwari
mavimbisa zvinhu izvi zvakanaka kudai
kuneni muranda wenyu,
27zvino chikomborerai waro mhuri yangu
ini muranda wenyu
kuti irambe yakangoti nemi kwati kwati
nokuti imi Tenzi chamakomborera
chakomborerwa nokusingapere.”
Zvasarudzwa nguva ino
1 Nhoroondo 17: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.