Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Nhoroondo 11:10-25

1 Nhoroondo 11:10-25 SCLB

Zvino vano ava ndivo vakuru vakuru vemagamba aDhavhidhi okurwa hondo vaimutsigira kwazvo muumambo hwake pamwechete neIsiraeri yose kuti ave mambo sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nezveIsiraeri. Iyi ndiyo nhoroondo yemagamba aDhavhidhi okurwa hondo: kunoti Jashobheamu wokuHakimoni. Pautatu hwavo ndiye aiva mukuru. Akarwisa mazana matatu avarume akavauraya nepfumo rake muhondo imwechete. Aitevedzerwa naEreazari mwanakomana waDhodho wokuAhohi. Ndiye akanga aina Dhavhidhi kuPasidhamimu kwakanga kwaunganwa nevaFirisitia kuzorwa hondo. Pakanga paine munda waiva nekoroni. Varwi ndopavakadzvamuka kutiza vaFirisitia. Ivo vakamira nomunda iwoyo vachiudzivirira vakauraya vaFirisitia. Tenzi akaita basa guru rokuvanunura. Pavakuru–vakuru makumi matatu vamwe vavo vatatu vakasvika kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuromu. Izvozvo matendhe evaFirisitia akanga akadzikwa mubani revaRefaimu. Izvozvo Dhavhidhi akanga achiri munhare yakavakirirwa. Chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakanga chiri kuBetirehemu. Dhavhidhi akanzwa nenyota akati dai waro pangowana mumwe anonditekera mvura yokunwa kutsime rokuBetirehemu riri pedyo nesuwo guru raro. Magamba okurwa aye ari matatu akatyoredzera nomumatendhe evaFirisitia imomo akandoteka mvura kutsime rokuBetirehemu riri pedyo nesuo guru racho. Vakaichera vakauya nayo kuna Dhavhidhi asi Dhavhidhi akaramba kuinwa akaiteurira pasi kuna Tenzi achiti, “NaMwari wangu chaiye, handifanire kumbofa ndakaita chinhu chakadai. Iropaka iri upenyuka uhu hwavanhu vaendako, nokuti vatopinzaka ava upenyu hwavo munjodzi.” Naizvozvo akaramba kuinwa. Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa namagamba matatu aya. Abhishai munun'una waJoabhu ndiye aiva mukuru mukuru wavo vari makumi matatu. Akarwisa varume mazana matatu nepfumo rake akavauraya akazviwanira zita pamwechete navatatu vaya. Ndiye aiva nomukurumbira kwazvo pamakumi matatu avo ndokubva ava mukuru-mukuru wavo, asi pavatatu vaya haana kupasvika. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha wokuKabhuzieri ndiyewo aiva rimwe gamba rokurwa, nyakuita mabasa makuru kwazvo. Akauraya shumba chaidzo dzavanhu vaviri vokuMoabhu. Akapindawo mugomba akauraya shumba musi wakanga wadonha chando. Akaurayawo mumwe muIjipiti, murume chaiye akasvika. MuIjipiti uyu akanga akabata pfumo muruoko asi Bhenaya akamuvinga netsvimbo. Akatorera muIjipiti pfumo, ndokubva amuuraya nepfumo rake iroro. Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa naBhenaya mwana waJehoyadha akazviwanira zita pamwechete namagamba matatu aya. Iyeyu uyu aivawo nomukurumbira pamwechete navaya makumi matatu. Asi pavatatu vaya haana kupasvika. Dhavhidhi akamuita mukuru-mukuru wevokuchengetedza iye mambo.