1 Makoronike 11:10-25
1 Makoronike 11:10-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ava ndivo vaiva vakuru pakati pavarume voumhare vaiva naDhavhidhi, avo pamwe chete neIsraeri yose, vakatsigira umambo hwake zvakasimba kuti husvike munyika yose sokuvimbisa kwakanga kwaita Jehovha. Aya ndiwo mazita avarume voumhare vaiva naDhavhidhi: Jashobheami, muHakimoni, aiva mukuru wamachinda ehondo; akasimudza pfumo rake akarwa navarume mazana matatu, avo vaakauraya pakurwisana panguva imwe chete. Aimutevera ainzi Ereazari mwanakomana waDhodhai muAhohi mumwe wavarume voumhare vatatu. Aiva naDhavhidhi paPasi Dhamimi vaFiristia pavakaungana ipapo kuzorwa. Pane imwe nzvimbo paiva nomunda wakanga uzere nebhari, varwi vakatiza vaFiristia. Asi ivo vakaramba vamire pakati pomunda vakaurwira vakauraya vaFiristia uye Jehovha akaita kuti vakunde nokukunda kukuru. Vatatu pakati pamakumi matatu avakuru vakaburukira kuna Dhavhidhi kuDombo pabako reAdhurami, uye hondo yavaFiristia yakanga yadzika matende muMupata weRefaimi. Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka rehondo yavaFiristia rakanga riri paBheterehema. Dhavhidhi akanzwa nyota akati, “Haiwa, dai mumwe munhu ainondicherera mvura yokunwa kubva mutsime riri pedyo nesuo reBheterehema!” Saka Vatatu ava vakapinda napakati pehondo dzavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa akaidururira pasi pamberi paJehovha. Dhavhidhi akati, “Mwari ngaandidzivise ndiregere kunwa izvi! Ndinganwa here ropa ravarume ava vaenda vachiisa upenyu hwavo panjodzi?” Nokuti vakaisa upenyu hwavo panjodzi kuti vadzoke vanayo, Dhavhidhi akaramba kuinwa. Aya ndiwo mamwe amabasa okukunda akaitwa navarume voumhare vatatu. Abhishai mununʼuna waJoabhu akanga ari mukuru waVatatu Ava. Akasimudza pfumo rake kuti arwise varume mazana matatu, akavauraya, uye akava nomukurumbira saVatatu Vaya. Akaremekedzwa zvakapetwa kaviri pamusoro paVatatu Vaya uye akaitwa mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengerwa pakati pavo. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva murwi woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita mabasa makuru. Akauraya mhare mbiri dzapamusoro dzavaMoabhu. Akapindawo mugomba mumwe musi kuine chando akauraya shumba. Uye akauraya muIjipita akanga akareba makubhiti mashanu. Kunyange zvazvo muIjipita akanga akapakata pfumo rainge tsvimbo yomuruki muruoko rwake, Bhenaya akamurwisa netsvimbo. Akabvuta pfumo kubva muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake. Aya ndiwo aiva mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akaita mukurumbira savarume vatatu voumhare. Akakudzwa nokuremekedzwa kukuru kupfuura Vaya Makumi Matatu, asi akanga asiri pakati paVatatu Vaya. Uye Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
1 Makoronike 11:10-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndivo vakuru vavarume vane simba vaiva naDhavhidhi, vaimusimbisa paushe hwake, pamwechete navaIsiraeri vose, kuti vamugadze ave mambo, sezvakarehwa naJehovha pamusoro paIsiraeri. Ndiko kuwanda kwavarume vane simba vaiva naDhavhidhi: Joshobheami mwanakomana wokuHakimoni, mukuru wavana makumi matatu; iye akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya nenguva imwe. Akamutevera akanga ari Eriazari, mwanakomana waDhodho muAhohi, mumwe wavarume vatatu vaiva nesimba. Iye akanga ana Dhavhidhi paPasidhamini; vaFirisitia vakanga vaunganapo kuzorwa pabindu rakanga rizere nebhari; vanhu vakatiza pamberi pavaFirisitia. Vakamira pakati pebindu, vakarirwira, vakauraya vaFirisitia, Jehovha akavarwira nokukunda kukuru. Zvino vatatu vavakuru vavana makumi matatu vakaburukira kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu; zvino hondo yavaFirisitia yakanga yadzika matende pamupata weRefaimu. Zvino nenguva iyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka ravarwi vavaFirisitia raiva paBheterehemu nenguva iyo. Dhavhidhi akapanga, akati, “Haiwa! Dai mumwe achindipa mvura yetsime reBheterehemu, riri pasuo, ndinwe!” Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yavaFirisitia, vakandoteka mvura patsime reBheterehemu, riri pasuo, vakaitora, vakauya nayo kuna Dhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaramba kuinwa, akaidururira kuna Jehovha, akati, “Mwari wangu ngaandidzivise, ndirege kuita chinhu ichi! Ndinganwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? Nokuti vakauya nayo vasingarangariri upenyu hwavo.” Naizvozvo akaramba kuinwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo nhatu. Abhishai munun'una waJoabhu, ndiye akanga ari mukuru wavatatu avo, nokuti akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya; akava nomukurumbira pakati pavatatu avo. Pakati pavatatu ndiye wakanga ane mbiri kukunda vamwe vaviri, akava mukuru wavo; asi haana kuenzana navatatu vokutanga. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare weKabhizeeri, akanga aita mabasa makuru, iye akauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhi, akandourayawo shumba mukati mehunza panguva yechando. Akaurayawo muIjipiti, murume akanga akakura kwazvo akasvika makubhiti mashanu; muIjipiti uyu akanga akabata pfumo muruoko rwake, asi iye akaburukira kwaari akabata tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwomuIjipiti, akamuuraya nepfumo rake iro. Zvinhu izvi zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, akanga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu. Tarirai, iye akanga ane mbiri kukunda vana makumi matatu, asi haana kuenzana navatatu vokutanga. Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
1 Makoronike 11:10-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino vano ava ndivo vakuru vakuru vemagamba aDhavhidhi okurwa hondo vaimutsigira kwazvo muumambo hwake pamwechete neIsiraeri yose kuti ave mambo sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nezveIsiraeri. Iyi ndiyo nhoroondo yemagamba aDhavhidhi okurwa hondo: kunoti Jashobheamu wokuHakimoni. Pautatu hwavo ndiye aiva mukuru. Akarwisa mazana matatu avarume akavauraya nepfumo rake muhondo imwechete. Aitevedzerwa naEreazari mwanakomana waDhodho wokuAhohi. Ndiye akanga aina Dhavhidhi kuPasidhamimu kwakanga kwaunganwa nevaFirisitia kuzorwa hondo. Pakanga paine munda waiva nekoroni. Varwi ndopavakadzvamuka kutiza vaFirisitia. Ivo vakamira nomunda iwoyo vachiudzivirira vakauraya vaFirisitia. Tenzi akaita basa guru rokuvanunura. Pavakuru–vakuru makumi matatu vamwe vavo vatatu vakasvika kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuromu. Izvozvo matendhe evaFirisitia akanga akadzikwa mubani revaRefaimu. Izvozvo Dhavhidhi akanga achiri munhare yakavakirirwa. Chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakanga chiri kuBetirehemu. Dhavhidhi akanzwa nenyota akati dai waro pangowana mumwe anonditekera mvura yokunwa kutsime rokuBetirehemu riri pedyo nesuwo guru raro. Magamba okurwa aye ari matatu akatyoredzera nomumatendhe evaFirisitia imomo akandoteka mvura kutsime rokuBetirehemu riri pedyo nesuo guru racho. Vakaichera vakauya nayo kuna Dhavhidhi asi Dhavhidhi akaramba kuinwa akaiteurira pasi kuna Tenzi achiti, “NaMwari wangu chaiye, handifanire kumbofa ndakaita chinhu chakadai. Iropaka iri upenyuka uhu hwavanhu vaendako, nokuti vatopinzaka ava upenyu hwavo munjodzi.” Naizvozvo akaramba kuinwa. Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa namagamba matatu aya. Abhishai munun'una waJoabhu ndiye aiva mukuru mukuru wavo vari makumi matatu. Akarwisa varume mazana matatu nepfumo rake akavauraya akazviwanira zita pamwechete navatatu vaya. Ndiye aiva nomukurumbira kwazvo pamakumi matatu avo ndokubva ava mukuru-mukuru wavo, asi pavatatu vaya haana kupasvika. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha wokuKabhuzieri ndiyewo aiva rimwe gamba rokurwa, nyakuita mabasa makuru kwazvo. Akauraya shumba chaidzo dzavanhu vaviri vokuMoabhu. Akapindawo mugomba akauraya shumba musi wakanga wadonha chando. Akaurayawo mumwe muIjipiti, murume chaiye akasvika. MuIjipiti uyu akanga akabata pfumo muruoko asi Bhenaya akamuvinga netsvimbo. Akatorera muIjipiti pfumo, ndokubva amuuraya nepfumo rake iroro. Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa naBhenaya mwana waJehoyadha akazviwanira zita pamwechete namagamba matatu aya. Iyeyu uyu aivawo nomukurumbira pamwechete navaya makumi matatu. Asi pavatatu vaya haana kupasvika. Dhavhidhi akamuita mukuru-mukuru wevokuchengetedza iye mambo.
1 Makoronike 11:10-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndiʋo ʋakuru ʋaʋarume ʋanesimba ʋaiʋa naDavidi, ʋaimusimbisa paʋushe bgake, pamŋe cete naʋaIsraeri ʋose, kuti ʋamugadze aʋe mambo, seɀakarebga naJehova pamsoro paIsraeri. Ndiko kuwanda kwaʋarume ʋanesimba ʋaiʋa naDavidi: Jashobeami mŋanakomana womuHakmoni, mukuru waʋanamakumi matatu; iye wakasimudza pfumo rake akarwa naʋanamazana matatu, akaʋaʋuraya neŋguʋa imŋe. Wakamuteʋera wakaŋga ari Ereazari, mŋanakomana waDodo muAhohi, mumŋe waʋarume ʋatatu ʋaiʋa nesimba. Iye wakaŋga anaDavidi paPasi‐damini; ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaʋuŋgana’po kuzorwa paɓindu rakaŋga rizere nebari; ʋanhu ʋakatiza pamberi paʋaFiristia. Ʋakamira pakati peɓindu, ʋakarirwira, ʋakaʋuraya ʋaFiristia, Jehova akaʋarwira nokukunda kukuru. Ɀino ʋatatu ʋaʋakuru ʋaʋanamakumi matatu ʋakaɓurukira kuɗombo kunaDavidi kuɓako reAdurami; ɀino hondo yaʋaFiristia yakaŋga yadzika matente pamupata weRefaimi. Ɀino neŋguʋa iyo Davidi wakaŋga ari munhare, ʋuye ɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia raiʋa paBeti‐rehemi neŋguʋa iyo. Davidi akapaŋga, akati: Haiwa! ɗai mumŋe acindipa mvura yetsime reBeti‐rehemi, riri pasuʋo, ndinwe! Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yaʋaFiristia, ʋakandoteka mvura patsime reBeti‐rehemi, riri pasuʋo, ʋakaitora, ʋakaʋuya nayo kunaDavidi; asi Davidi wakaramba kuinwa, akaiɗururira kunaJehova, akati: Mŋari waŋgu ŋgaandidziʋise, ndirege kuita cinhu ici! Ndiŋganwa ropa raʋarume aʋa ʋakaenda ʋasiŋgaraŋgariri ʋupenyu bgaʋo here? Nokuti ʋakaʋuya nayo ʋasiŋgaraŋgariri ʋupenyu bgaʋo. Naiɀoɀo akaramba kuinwa. Ndiɀo ɀakaitwa nemhare idzo nhatu. Abishai munuŋuna waJoabi, ndiye wakaŋga ari mukuru waʋatatu aʋo, nokuti wakasimudza pfumo rake akarwa naʋanamazana matatu, akaʋaʋuraya; akaʋa nomukurumbira pakati paʋatatu aʋo. Pakati paʋatatu ndiye wakaŋga anembiri kukunda ʋamŋe ʋaʋiri, akaʋa mukuru waʋo; asi haana‐kuenzana naʋatatu ʋokutaŋga. Benaya mŋanakomana waJehoyada, mŋanakomana wemhare weKabzeeri, wakaŋga aita maɓasa makuru, iye wakaʋuraya ʋanakomana ʋaʋiri ʋaArieri waMoabi, akandoʋuraya ʋo shumba mukati mehunza paŋguʋa yecando. Akaʋuraya ʋo muEgipita, murume wakaŋga akakura kwaɀo wakaȿika makubiti mashanu; muEgipita uyu wakaŋga akaɓata pfumo muruʋoko rwake, asi iye wakaɓurukira kwaari akaɓata tȿimbo, akabvuta pfumo muruʋoko rwomuEgipita, akamuʋuraya nepfumo rake iro. Ɀinhu iɀi ɀakaitwa naBenaya mŋanakomana waJehoyada, wakaŋga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu. Tarirai, iye wakaŋga anembiri kukunda ʋanamakumi matatu, asi haana‐kuenzana naʋatatu ʋokutaŋga. Davidi akamuita mutariri waʋarindi ʋake.
1 Makoronike 11:10-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)