Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rute 1:15-22

Rute 1:15-22 SCLBD

Naomi akati, “Tarira uone mukadzin'ina wako adzokera kune vokwake nokune vamwari vake. Iwe dzokerawo sezvaita mukadzin'ina wako.” Asi Rute akapindura achiti, “Regai zvenyu kunditeterera kuti ini ndikusiyei kana kuti ndidzokere. Kwamuchaenda ndokwandichaendawo, kwamuchange mugere ndokwandichagarawo, vanhu vokwenyu vachavawo vokwangu, Mwari wenyu ndiye achavawo Mwari wangu. Kwamunofira ndokwandichafirawo, ikoko ndokwandichavigwawo. Kunyange rufu chairwo harufanire kutiparadzanisa; kana ndadaro Tenzi ngaandione, ngaandirege ndichiwirwa, nezvakatoomesesa.” Naomi paakaona kuti Rute atsungirira kuenda naye akabva anyarara zvake. Saka vose vari vaviri vakaramba vachienda kudzamara vasvika kuBheterehemu. Pavakasvika kuBheterehemu, guta rose rakazevezana nezvavo. Vakadzi vaiti, “NdiNaomi here uyu chokwadi?” Ivo vakati kwavari, “Regai zvenyu kunditi Naomi, isvai zvenyu manditi Mara nokuti Samasimbaose akaita kuti upenyu hundiipire. “Ndakaenda ndakapfumawo Asi Tenzi andidzora ndachiti dano, ndisisina kana chinhu muchanza. Chamunonditi Naomi, ndechipi ipapa, kana Tenzi achindipa nhamo kudai, kana iye Samasimbaose achitondirwadzisa kudai?” Ndiwo madzokero akaita Naomi kubva kuMoabhu aina Rute muroora wake wechiMoabhu. Vakasvika kuBheterehemu iri nguva yokutanga kukohwa bhari.

Verenga chikamu Rute 1

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neRute 1:15-22