Akati, “Tarira, vakoma vako vadzokera kuvanhu vako, nokumwari wake; dzoka newewo, utevere vakoma vako.” Rute akati, “Musandirwaririra kuti ndikusiyei, ndirege kukuteverai; nokuti pamunoenda neni ndichaendapowo; pamunovata, neni ndichavatapowo; navanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu achava Mwari wangu; pamunondofira, ndipo pandichandofira neniwo, ndipo pandichavigwawo; Jehovha ngaandirove, arambe achidaro, kana imi neni tikaparadzaniswa nechinhu, asi norufu bedzi.” Zvino wakati achiona kuti watsungirira kwazvo kuenda naye, akarega kuzotaura naye. Naizvozvo ivavo vaviri vakafamba kusvikira paBheterehemu. Zvino vakati vachisvika paBheterehemu, guta rose rikashamiswa pamusoro pavo; vakadzi vakati, “Uyu ndiye Naomi here?” Akati kwavari, “Regai kundiidza Naomi, asi mundiidze Mara, nokuti waMasimbaose wakandiitira zvinovava kwazvo. Ndakabuda ndizere, Jehovha akandidzoserazve kumusha ndisina chinhu; munondiidzireiko Naomi, Jehovha zvaakandipupurira mhosva, waMasimbaose zvaakandimanikidza?” Naizvozvo Naomi akadzoka naRute muMoabhu, mukadzi womwana wake, vachibva kunyika yaMoabhu; vakasvika paBheterehemu vanhu votanga kukohwa bhari.
Verenga chikamu Rute 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Rute 1:15-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo