Rute 1:15-22
Rute 1:15-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naomi akati kwaari, “Tarira, mukadzinyina wako adzokera kuvanhu vokwake nokuvamwari vake. Chidzokera naye.” Asi Rute akapindura akati, “Musandigombedzera kuti ndikusiyei kana kukufuratirai. Kwamunoenda ndiko kwandichaendawo, uye pamunogara ndipo pandichagarawo. Vanhu venyu vachava vanhu vangu uye Mwari wenyu achava Mwari wangu. Pamunofira ndipo pandichafirawo, uye ndipo pandichavigwa. Jehovha ngaandirange, zvinorwadza kwazvo, kana pakava nechimwe chinhu chingatiparadzanisa kunze kworufu.” Zvino Naomi akati aona kuti Rute akanga ashinga kuenda naye, akarega kumugombedzera. Saka vakadzi vaviri ava vakaramba vachifamba kusvikira vasvika kuBheterehema. Vakati vasvika muBheterehema, guta rose rakazungunuswa nokuda kwavo, uye vakadzi vakakatyamara vachiti, “Angava Naomi here uyu?” Iye akati kwavari, “Musandidaidza kuti Naomi. Ndidaidzei kuti Mara, nokuti Wamasimba Ose akashungurudza upenyu hwangu kwazvo. Ndakaenda ndakazara, asi Jehovha akandidzosa ndisina chinhu. Seiko muchinditi Naomi? Jehovha akandirwadzisa; Wamasimba Ose akauyisa rushambwa pamusoro pangu.” Naizvozvo Naomi akadzokera achibva kuMoabhu, naRute muMoabhu, muroora wake, vakasvika muBheterehema nguva yokukohwa bhari ichangotanga.
Rute 1:15-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati, “Tarira, vakoma vako vadzokera kuvanhu vako, nokumwari wake; dzoka newewo, utevere vakoma vako.” Rute akati, “Musandirwaririra kuti ndikusiyei, ndirege kukuteverai; nokuti pamunoenda neni ndichaendapowo; pamunovata, neni ndichavatapowo; navanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu achava Mwari wangu; pamunondofira, ndipo pandichandofira neniwo, ndipo pandichavigwawo; Jehovha ngaandirove, arambe achidaro, kana imi neni tikaparadzaniswa nechinhu, asi norufu bedzi.” Zvino wakati achiona kuti watsungirira kwazvo kuenda naye, akarega kuzotaura naye. Naizvozvo ivavo vaviri vakafamba kusvikira paBheterehemu. Zvino vakati vachisvika paBheterehemu, guta rose rikashamiswa pamusoro pavo; vakadzi vakati, “Uyu ndiye Naomi here?” Akati kwavari, “Regai kundiidza Naomi, asi mundiidze Mara, nokuti waMasimbaose wakandiitira zvinovava kwazvo. Ndakabuda ndizere, Jehovha akandidzoserazve kumusha ndisina chinhu; munondiidzireiko Naomi, Jehovha zvaakandipupurira mhosva, waMasimbaose zvaakandimanikidza?” Naizvozvo Naomi akadzoka naRute muMoabhu, mukadzi womwana wake, vachibva kunyika yaMoabhu; vakasvika paBheterehemu vanhu votanga kukohwa bhari.
Rute 1:15-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naomi akati, “Tarira uone mukadzin'ina wako adzokera kune vokwake nokune vamwari vake. Iwe dzokerawo sezvaita mukadzin'ina wako.” Asi Rute akapindura achiti, “Regai zvenyu kunditeterera kuti ini ndikusiyei kana kuti ndidzokere. Kwamuchaenda ndokwandichaendawo, kwamuchange mugere ndokwandichagarawo, vanhu vokwenyu vachavawo vokwangu, Mwari wenyu ndiye achavawo Mwari wangu. Kwamunofira ndokwandichafirawo, ikoko ndokwandichavigwawo. Kunyange rufu chairwo harufanire kutiparadzanisa; kana ndadaro Tenzi ngaandione, ngaandirege ndichiwirwa, nezvakatoomesesa.” Naomi paakaona kuti Rute atsungirira kuenda naye akabva anyarara zvake. Saka vose vari vaviri vakaramba vachienda kudzamara vasvika kuBheterehemu. Pavakasvika kuBheterehemu, guta rose rakazevezana nezvavo. Vakadzi vaiti, “NdiNaomi here uyu chokwadi?” Ivo vakati kwavari, “Regai zvenyu kunditi Naomi, isvai zvenyu manditi Mara nokuti Samasimbaose akaita kuti upenyu hundiipire. “Ndakaenda ndakapfumawo Asi Tenzi andidzora ndachiti dano, ndisisina kana chinhu muchanza. Chamunonditi Naomi, ndechipi ipapa, kana Tenzi achindipa nhamo kudai, kana iye Samasimbaose achitondirwadzisa kudai?” Ndiwo madzokero akaita Naomi kubva kuMoabhu aina Rute muroora wake wechiMoabhu. Vakasvika kuBheterehemu iri nguva yokutanga kukohwa bhari.
Rute 1:15-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati: Tarira, ʋakoma ʋako ʋadzokera kuʋanhu ʋako, nokumŋari wake; dzoka newe ʋo, uteʋere ʋakoma ʋako. Rute akati: Musandirwaririra kuti ndikusiyei, ndirege kukuteʋerai; nokuti pamunoenda, neni ndicaenda’po ʋo; pamunoʋata, neni ndicaʋata’po ʋo; ʋanhu ʋenyu ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu, naMŋari wenyu ucaʋa Mŋari waŋgu; pamunondofira, ndi’po pandicandofira neni ʋo, ndi’po pandicaʋigwa ʋo; Jehova ŋgaandiroʋe, arambe aciɗaro, kana imi neni tikaparadzaniswa necinhu, asi norufu ɓedzi. Ɀino wakati aciʋona kuti watsuŋgirira kwaɀo kuenda naye, akarega kuzotaura naye. Naiɀoɀo iʋaʋo ʋaʋiri ʋakafamba kuȿikira paBeti‐rehemi. Ɀino ʋakati ʋaciȿika paBeti‐rehemi, guta rose rikashamiswa pamsoro paʋo; ʋakadzi ʋakati: Uyu ndiye Naome here? Akati kwaʋari: Regai kundiidza Naome, asi mundiidze Mara, nokuti Wamasimba‐ose wakandiitira ɀinoʋaʋa kwaɀo. Ndakaɓuɗa ndizere, Jehova akandidzosera ɀe kumusha ndisinecinhu; munondiidzireiko Naome, Jehova ɀaakandipupurira mhoȿa, Wamasimba‐ose ɀaakandimanikidza? Naiɀoɀo Naome akadzoka naRute muMoabi, mukadzi womŋana wake, ʋacibva kunyika yaMoabi; ʋakaȿika paBeti‐rehemi ʋanhu ʋotaŋga kukohwa bari.
Rute 1:15-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)