Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 133

133
Rumbo rwokukwidza narwo kumusoro.
Kudanana kwehama nehama
1Tarirai muone
kufadza kwazvinoita
kana hama nehama
dzichidyidzana.
2Zvakafanana namafuta anokosha
ari mumusoro anoyerera pandebvu,
pandebvu dzaAroni
achiyerera pamakutu egemenzi rake.
3Zvakafanana nedova regomo reHerimoni
dova rinowira pamusoro pamakomo eZioni nokuti
chikomborero chakanzi naTENZI
chivepo nokusingaperi.

Zvasarudzwa nguva ino

Nziyo 133: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda