Nziyo 134
134
Rumbo rwokukwidza narwo kumusoro.
Munamato wamauro wokurumbidza TENZI
1Uyai tirumbidze TENZI
imi mose varanda vaTENZI
imi munoshanda nousiku
mumba maTENZI.
2Simudzirai maoko enyu
kunzvimbo inoera
murumbidze TENZI.
3TENZI ngaakukomborerei
ari muZioni
iye akasika denga napasi.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 134: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.