Tendai TENZI nokuti wakanaka, mwoyochena wake hauperi narini. Isiraeri ngaiti, “Mwoyochena wake hauperi narini.” Imba yokwaAroni ngaiti, “Mwoyochena wake hauperi narini.” Vanotya TENZI ngavati, “Mwoyochena wake hauperi narini.” Ndakadaidzira kuna TENZI ndiri munhamo, TENZI akandipindura akandipinza murusununguko. TENZI zvaari kudivi kwangu handityi, munhu angandiitei. TENZI zvaari kudivi kwangu somumwe wavabatsiri vangu, vanondivenga ndichatovayeva zvangu. Zviri nani kupotera kuna TENZI panokuvimba nomunhu. Zviri nani kupotera panaTENZI panokuvimba namachinda. Marudzi akandikomba, muzita raTENZI ndakavaparadza. Vakandikomba zvokundikomberedza kwazvo mativi ose; muzita raTENZI ndakavaparadza. Vakandimomotera senyuchi vakati viru viru somoto wetsotso dzeminzwa; muzita raTENZI ndakavaparadza. Ndakasundidzirwa zvine simba zvokutoda kuwa asi TENZI akandibatsira.
Verenga chikamu Nziyo 118
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 118:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo