Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 118:1-13

Nziyo 118:1-13 SCLBD

Tendai TENZI nokuti wakanaka, mwoyochena wake hauperi narini. Isiraeri ngaiti, “Mwoyochena wake hauperi narini.” Imba yokwaAroni ngaiti, “Mwoyochena wake hauperi narini.” Vanotya TENZI ngavati, “Mwoyochena wake hauperi narini.” Ndakadaidzira kuna TENZI ndiri munhamo, TENZI akandipindura akandipinza murusununguko. TENZI zvaari kudivi kwangu handityi, munhu angandiitei. TENZI zvaari kudivi kwangu somumwe wavabatsiri vangu, vanondivenga ndichatovayeva zvangu. Zviri nani kupotera kuna TENZI panokuvimba nomunhu. Zviri nani kupotera panaTENZI panokuvimba namachinda. Marudzi akandikomba, muzita raTENZI ndakavaparadza. Vakandikomba zvokundikomberedza kwazvo mativi ose; muzita raTENZI ndakavaparadza. Vakandimomotera senyuchi vakati viru viru somoto wetsotso dzeminzwa; muzita raTENZI ndakavaparadza. Ndakasundidzirwa zvine simba zvokutoda kuwa asi TENZI akandibatsira.

Verenga chikamu Nziyo 118