Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Pfurai mabhosvo esirivha maviri anoridzirwa vaIsiraeri kuti vaungane uyewo panguva yokuti vachitama. Kana kwaridzwa mabhosvo maviri vaIsiraeri vose ngavaungane kwaunenge uri kumusuo wetendhe rokusanganira. Asi kana kwaridzwa bhosvo rimwechete, vakuru vakuru vatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri ngavaungane kwaunenge uri. Kana mabhosvo aridzwa setsuri, madzinza akadzika matendhe awo kumabvazuva kwetendhe rinoera ngaasimuke atange rwendo. Kana mabhosvo aridzwa setsuri kechipiri, madzinza akadzika matendhe awo kumaodzanyemba kwetendhe rinoera ngaapinde munzira. Tsuri ngairidzwe nguva dzose dzavanosungirwa kutama. Asi kana zviri zvokuti vanhu vaungane ngakuridzwe mabhosvo asingaridzwi setsuri. Mabhosvo ngaaridzwe navanakomana vaAroni vapristi. “Kwamuri, murao wangu wezvemabhosvo, murao uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose. Kana mava kuenda kundorwisa vavengi venyu vanenge vakudenhai munyika yenyu, chamunozivisa nacho kuti tava kundorwa, kuridza bhosvo kuti ini Tenzi Mwari wenyu ndigokuyeukai ndikununurei pavavengi venyu. Pamazuva enyu okufara, napamazuva enyu makuru, napakupemberera kugara kwemwedzi mitsva, namamwewo mazuva enyu makuru, ridzai mabhosvo iwayo. Aridzeiwo pamunouya nemipiro yokuwadzana. Ipapo ini Mwari ndichakuyeukai. Ndini Tenzi Mwari wenyu ndinodaro.”
Verenga chikamu Kuverengwa 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kuverengwa 10:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo