Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati. “Uzviitire hwamanda mbiri dzesirivha; unofanira kudziita nesirivha yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukubatsira kudana ungano nokuraira kuti mapoka afambe. Kana vachidziridza ungano yose inofanira kuungana kwauri pamukova wetende rokusangana. Kana vachiridza imwechete, zvino machinda vari vakuru vezviuru zvavaIsiraeri vanofanira kuungana kwauri. Kana muchiridzisa, mapoka okurutivi rwamabvazuva anofanira kusimuka, vafambe. Kana muchiridzisa rwechipiri mapoka okurutivi rwezasi anofanira kusimuka, vafambe; vanofanira kuridzisa kana vofamba nzendo. Asi kana ungano ichifanira kuunganidzwa, munofanira kuridza, asi musaridzisa. Vanakomana vaAroni, vapristi, ndivo vanofanira kuridza hwamanda; ngazvive tsika kwamuri nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose. Kana muchindorwa munyika yenyu nomuvengi anokumanikidzai, munofanira kuridzisa nehwamanda; ipapo mucharangarirwa pamberi paJehovha Mwari wenyu, mugoponeswa pavavengi venyu. Uye nomusi wamunofara nawo, napamitambo yenyu yakatarwa napakutanga kwemwedzi yenyu, munofanira kuridza hwamanda pamusoro pezvipiriso zvenyu zvinopiswa, napamusoro pezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, kuti Jehovha akurangarirei nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu.”
Verenga chikamu Numeri 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Numeri 10:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo