Kuverengwa 10
10
Mabhosvo esirivha
1Tenzi akataurira Mosesi achiti, 2“Pfurai mabhosvo esirivha maviri anoridzirwa vaIsiraeri kuti vaungane uyewo panguva yokuti vachitama. 3Kana kwaridzwa mabhosvo maviri vaIsiraeri vose ngavaungane kwaunenge uri kumusuo wetendhe rokusanganira. 4Asi kana kwaridzwa bhosvo rimwechete, vakuru vakuru vatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri ngavaungane kwaunenge uri. 5Kana mabhosvo aridzwa setsuri, madzinza akadzika matendhe awo kumabvazuva kwetendhe rinoera ngaasimuke atange rwendo. 6Kana mabhosvo aridzwa setsuri kechipiri, madzinza akadzika matendhe awo kumaodzanyemba kwetendhe rinoera ngaapinde munzira. Tsuri ngairidzwe nguva dzose dzavanosungirwa kutama. 7Asi kana zviri zvokuti vanhu vaungane ngakuridzwe mabhosvo asingaridzwi setsuri. 8Mabhosvo ngaaridzwe navanakomana vaAroni vapristi.
“Kwamuri, murao wangu wezvemabhosvo, murao uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose. 9Kana mava kuenda kundorwisa vavengi venyu vanenge vakudenhai munyika yenyu, chamunozivisa nacho kuti tava kundorwa, kuridza bhosvo kuti ini Tenzi Mwari wenyu ndigokuyeukai ndikununurei pavavengi venyu. 10Pamazuva enyu okufara, napamazuva enyu makuru, napakupemberera kugara kwemwedzi mitsva, namamwewo mazuva enyu makuru, ridzai mabhosvo iwayo. Aridzeiwo pamunouya nemipiro yokuwadzana. Ipapo ini Mwari ndichakuyeukai. Ndini Tenzi Mwari wenyu ndinodaro.”
Kutama kwavaIsiraeri paSinai
11Pazuva ramakumi maviri romwedzi wechipiri mugore rechipiri rokubva kwavaIsiraeri kuIjipiti; gore riya rakanga rakafukidza tendhe rechitenderano rakasimudzwa. 12VaIsiraeri vakasimuka pagwenga reSinai, vakafamba rwendo rwavo vachimbomira, nzvimbo nezvimbo. Gore riya rakandomira murenje reParani.
13Vanhu vakatangisa kufamba sokuudzwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. 14Vanhu vomureza wedzinza raJudha ndivo vakatanga kufamba vari mumapoka avo. Vaitungamirirwa naNahishoni mwanakomana waAminadhabhi. 15Aitungamirira dzinza rokwaIsiraeri ndiNetaneri mwanakomana waZuari. 16Aitungamirira dzinza rokwaZebhuruni ndiEriabhu mwanakomana waHeroni.
17Paibviswa tendhe rinoera mhuri yokwaGerishoni neyokwaMerari vaitakura tendhe rinoera vaitakura vachibva vatangisa kufamba.
18Vaiteverwa nevanhu vedzinza rokwaRubheni vari mumapoka avo. Vaitungamirirwa naErizuru mwanakomana waShedheuri. 19Sherumieri mwanakomana waZurishadhai ndiye aitungamirira dzinza rokwaSimeoni. 20Eriasafi mwanakomana waDheueri ndiye aitungamirira dzinza rokwaGadhi. 21Vemhuri yokwaKohati vaibva vapindawo munzira vakatakura zvinhu zvinoera. Tendhe rinoera raifanodzikwa vasati vasvika. 22Vanhu vomureza wedzinza rokwaEfuremu, vaiteverawo vari mumapoka avo. Vaitungamirirwa naErishama mwanakomana waAmihudhi. 23Dzinza rokwaManase raitungamirirwa naGamarieri mwanakomana waPedhazuru. 24Dzinza rokwaBhenjamini raitungamirirwa naAbhidhana mwanakomana wokwaGideoni.
25Vanhu vomureza wedzinza raDhani, ndivo vaipedzisera kusimuka, vachitsigira vari shure, vari mumapoka avo. Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai ndiye aivatungamirira. 26Pagieri mwanakomana waOkirani ndiye aitungamirira dzinza rokwaAsheri. 27Dzinza rokwaNafutari raitungamirirwa naAhira mwanakomana waEnani. 28Aya ndiwo mafambiro aiita vaIsiraeri vari mumapoka avo pavainge vopinda murwendo rwavo.
29Mosesi akataura naHobhabhi mwanakomana waReueri, vatezvara vake vorudzi rwavaMidhiani achiti, “Zvino tava kuzopinda murwendo rwokuenda kunyika yatakanzi naTenzi tichazopiwa. Mwari akatsidzira vaIsiraeri kuti vachabudirira. Saka handei tose. Tichazokupaiwo pfuma yatichawana taveko.”
30Hobhabhi ndokuti, “Kwete! Handiendi nemi. Asi ndichadzokera kunyika yangu kune hama dzangu.”
31Mosesi akati, “Ndapota musatisiye. Imi munoziva kwatingandodzika matendhe murenje. Ndimi mungatotitungamirira. 32Kana mukaenda nesu tichazokamurirana makomborero ose atichapiwa naTenzi.”
VaIsiraeri vanopindazve murwendo rwavo
33VaIsiraeri pavakabva pagomo raTenzi riya vakafamba mazuva matatu. Bhokisi rechitenderano chaTenzi rakafanotungamira mazuva matatu kundovatsvakira pokudzika matendhe avo. 34Masikati gore raTenzi rainge riri pamusoro pavo pavaibva panzvimbo imwe neimwe yavainge vadzika matendhe avo.
35Paitangisa bhokisi rechitenderano kufamba, Mosesi aiti, “Tenzi wee! Simukai vavengi venyu vaite chimwandamwanda, vanokuvengai vakutizei.” 36Parainge razomira Mosesi aiti, “Tenzi! Chidzokai kune zviuru nezviuru zvavaIsiraeri.”
Zvasarudzwa nguva ino
Kuverengwa 10: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.