Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemiya 5:1-12

Nehemiya 5:1-12 SCLBD

Zvino kwakazvomuka kuchema-chema kukuru kwazvo vanhu navakadzi vavo vachigunun'unira hama dzavo dzechiJudha. Kwaiva navamwe vaiti, “Pamwechete navana vedu vakomana navasikana kudai, tawanda isu. Dai tawanawo mbesanwa dzokudya tidyewo tigorarama.” Kukava nevamwewo vaiti, “Minda yedu nemisha yedu neminda yedu yemugirepisi tiri kutoiita rubatso kuti tiwanewo mbesanwa pamusana penzara iyoyi iyi.” Kwaivawo navamwe vaitiwo, “Isu takatokwereta mari yeminda yedu neyemindawo yedu yemigirepisi kundoteresa mutero wokwamambo. Isu tiri vanhu veropa rimwechete nehama dzedu idzodzo. Vana vedu vanongovawo vana vavo. Asi tava kutomanikidzira vana vedu vakomana navasikana kutopinda muuranda. Vamwe vanasikana vedu vakatopinda muuranda. Asi isu chokuti tiite hapana nokuti minda yedu nemindawo yedu yemigirepisi yatova zvayo yevamwe.” Ndakashatirwa kwazvo pandakanzwa kugunun'una kwavo pamwechete namazwi iwaya. Ndakazvibvunza mumwoyo zano rokuita, ndikatongesa vokumba huru namakurukota. Ndakati kwavari, “Muri kuita chimbadzo imi kuhama dzenyu, mose zvenyu iyemi.” Ndakavaunganidzira dare guru kwazvo ravanhu, ndikavati, “Isu takaedzawo napatinogona kununura hama dzedu dzechiJudha dzakanga dzatengeswa kune vechirudzi, asi imi ndopamava kutotengesa zvenyu hama dzenyu kuti isu titoita zvokuvatenga zvakare!” Vakati mwiro-o romuromo vakarishaya. Ndokubva ndati, “Zvamuri kuita izvi hazvina kunaka. Hamufaniri here kutevedza gwara rokutya Mwari kuitira kuti tirege kushorwa neveChirudzi vavengi vedu. Ini nehama dzangu nevashandi vangu tinovakweretesawo wani mari nembesanwa. Zvechimbadzo izvi, ngatiregei. Vadzoserei iye nhasi uno chaiye minda yavo nemindawo yavo yemigirepisi neminda yavo yemiorivhi nemisha yavo pamwechete nechikamu chechizana chemari nechembesanwa nechewaini namafuta eorivhi zvechimbadzo chamanga muchireva kwavari.” Ivo vakati, “Tichadzosera izvozvo pasina nechatichareva kwavari. Zvamareva ndozvatichaita.” Ndakadaidza vapristi ndichiitisa vatungamiri ivavo mhiko yokuti vaizoita sezvavakanga vatsidza.

Verenga chikamu Nehemiya 5