Mariko 5
5
Jesu anodzinga mweya yakaipa mumunhu weGerasa
(Mat 8:28–34; Ruka 8:26–39)
1Vakazosvika mhiri kwegungwa, kudunhu ravaGerasa. 2Jesu achingobuda mugwa, akasangana nomunhu aiva nomweya wakaipa, achibva kumakuva. 3Munhu uyu aigara mumakuva. Pakanga pasisina kana nomunhu zvake aigona kumusunga kunyange nengetani, 4nokuti aimbosungwa namajoti nengetani kazhinji, asi aidambura ngetani nokuita majoti udimbu–udimbu. Naizvozvo kwakanga kusisina aigona kumudzikamisa. 5Nguva dzose, siku nesikati, ainge ari ikoko kumakuva nomumakomo achingozhambarara uye achizvicheka–cheka namabwe.
6Paakaona Jesu achiri chinhambwe, akamhanyira kwaari akamupfugamira, 7ndokuzhamba nezwi guru achiti, “Unei neni, Jesu Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro. Ndinoti nezita raMwari rega, kunditambudza.” 8Nokuti Jesu akanga amuti, “Iwe mweya wetsvina, buda mumunhu uyu.”
9Jesu akamubvunza kuti, “Zita rako ndiani?” Iye akapindura achiti, “Zita rangu ndinonzi Hondo#5:9 Hondo: MuchiGiriki munoti Rigini. Rigini yaiva hondo yamasoja inosvika masoja zviuru zvina zvina masoja makumi mashanu (4 500) nokuti takawanda.” 10Akateterera Jesu chaizvo kuti arege kuidzingira kunze kwedunhu iroro. 11Ipapo paiva nedanga guru renguruve dzakanga dzichifura zvadzo mujinga megomo. 12Mweya iya yakamuteterera ichiti, “Titumirei zvedu munguruve kuti tipinde madziri.” 13Akaibvumidza. Mweya yakaipa yakabuda ikandopinda munguruve dziya. Danga rose renguruve dzaikarosvitsa zviuru zviviri dzakati ware dzoteremuka napamawere ndokunoti rove–rove mugungwa kunyuramo.
14Vafudzi vadzo ndokutiwo ware kutiza vakandotaurira vanhu veguta nevemumaruwa. Vanhu vakauya kuzoona zvakanga zvaitika. 15Pavakasvika pana Jesu vakaona munhu uya aipoterwa nemweya yakaipa agere zvake, akatosimirawo, pfungwa dzake dzatodzikama, iye uya aiva nehondo yemweya yakaipa, vakabva vatya. 16Vaya vakanga vazviona vakarondedzera vanhu zvakanga zvaitika kumunhu akanga akapoterwa nemweya yakaipa nezvakaitikawo kunguruve. 17Ivo vakatanga kukumbira Jesu kuti abve zvake mudunhu ravo. 18Paakanga ava kupinda mugwa, munhu uya akambenge akapoterwa nemweya yakaipa akamuteterera kuti aende naye. 19Asi Jesu haana kumubvumira, akatomuti, “Chienda kumusha kwako, kuhama dzako, undodziudza zvawaitirwa naTenzi nokukunzwira tsitsi kwaaita.” 20Munhu uya akabvapo ndokutanga kuparidza mudunhu reDhekapori zvinhu zvaakaitirwa naJesu. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo nazvo.
Jesu anoporesa mwanasikana waJairosi nomukadzi akabata hanzu yake
(Mat 9:18–26; Ruka 8:40–56)
21Zvino kuzoti Jesu ayambukirazve mhiri kwegungwa negwa, vanhu vazhinji vakamuunganira. Akanga ari padyo negungwa. 22Zvino mumwe wavatungamiri vesinagogu, ainzi Jairosi akasvikapo. Pakuona kwakaita Jesu, akazviwisira patsoka dzake. 23Akamuteterera kwazvo achiti, “Mwanasikana wangu muduku atova kutandadza. Uyai, muise maoko enyu paari aporeswe, ararame.” 24Jesu akaenda naye. Gurusvusvu ravanhu rakamutevera richidzvinyirirana naye. 25Zvino paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chebaro kwamakore gumi namaviri. 26Akanga aona nhamo mudzin'anga dzakawanda maaifamba, maakanga apedzera zvinhu zvake zvose asi pasina kana chiyamuro; akatenge otonyanya kurwara. 27Zvaakanga anzwa nezvaJesu akauya necheshure kwake, ari mukati moruzhinji, ndokusvikobata hanzu yake, 28nokuti aiti, “Kana ndikangobata kunyange hanzu dzake bedzi, ndichabva ndapora.” 29Pakarepo ropa rakabva raganhuka kubuda, akabva azvinzwa mumuviri wake kuti chirwere charapwa.
30Pakarepowo Jesu akabva aziva nechomumwoyo kuti simba rabuda maari; akatendeukira mukati megurusvusvu ravanhu achiti, “Ndiani abata hanzu yangu?” 31Ipapo vadzidzi vake vakati kwaari, “Muri kuona gurusvusvu ravanhu richidzvinyirirana nemi, asi imi moti, ‘Ndiani andibata?’ ” 32Akaringa–ringa achida kuona kuti akanga aita izvi ndiani. 33Mukadzi uya, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, zvakanga zvoti kutya, zvikati kungwenda ndokuuya ozviwisira mberi kwake omuudza chokwadi chizere. 34Iye ndokumuti, “Mukunda, chitendero chako chakuporesa; chienda hako norugare, uyezve chirwere chako ngachipere uve wadi.”
35Achiri kutaura kudaro, vamwe vakabva kumba kwomutungamiri wesinagogu uya vachiti, “Mwanasikana wenyu atofa. Muchiri kunetserei mudzidzisi?” 36Jesu#5:36 Jesu: Haana kuzviitira hanya. paakazvinzwa, akati kumutungamiri wesinagogu, “Regai henyu kutya ingotendai bedzi.” 37Haana kubvumira vamwe vose kumutevera kusiya Pita, naJemusi, naJohani munun'una waJemusi. 38Zvino pavakasvika kumba kwomutungamiri wesinagogu, akawana paine mhere mhere kwazvo yokuchema nokuungudza kukuru. 39Paakapinda akati kwavari, “Seiko muchiita mhere mhere muchichema kudai? Mwana haana kufa kwete, asi akakotsira.”
40Ivo vakamuseka. Zvino akaburitsa vose panze, akatora baba vomwana naamai vake navaya vaaiva navo, ndokupinda maiva nomwana. 41Akamubata ruoko ndokuti kwaari, “Tarita kumi,” zvinoreva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri muka.” 42Pakarepo musikana uya akasimuka, ndokufamba (sezvo akanga ava namakore gumi namaviri). Vanhu vose vakabva vashamiswa zvikuru kwazvo. 43Jesu akavakohomedza kuti zvirege kuzivikanwa kana nomunhu zvake ndokuvaudza kuti vape musikana chokudya.
Zvasarudzwa nguva ino
Mariko 5: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.