Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 4:21-41

Mariko 4:21-41 SCLBD

Akatizve kwavari, “Ko mwenje unounzirwa kuti ukwidibirwe nedengu here kana kuti uiswe pasi pomubhedha here? Handiti kuti ugoiswa pachidzimikiro? Chinhu chose chakavanzika chakavanzirwa kuti chizoburitswa pachena; hakunawo chinhu chakavigwa chisingazobudi pachena. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Akati kwavari, “Nyatsochenjerai zvamuri kunzwa: chiereso chamunoera nacho, ndicho chamuchaererwawo nacho, uye muchapamidzirwa. Nokuti uyo anazvo achawedzerwa, nouyo asina, kunyange chaanacho achachitorerwa.” Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakadaizvi, hwakaita somunhu anomwaya mbeu muvhu. Angavate zvake usiku, masikati achimukawo, asi mbeu iya inomera ichitokura, iye asingambozivi kuti zvinoitika sei. Zvinongoitika pachazvo zvoga kuti ivhu rinobereka zvirimwa, pokutanga nhungo, teverei hura, ndokuzouya koroni yakakora pahura dziya. Zvino kana koroni yaibva, anobva apinza jeko kuicheka, nokuti kukohwa kwasvika.” Akatizve, “Umambo hwaMwari tingauenzanise neiko? Uye tingahufananidze nomuenzanisoiko? Hwakaita setsanga yamasitadhi yokuti painodyarwa muvhu, inenge iri duku duku pane mbeu dzose dzapasi pose. Asi kana yadyarwa inokura kwazvo kudarika magwenzi ose. Inoita mapazi makuru, zvokuti shiri dzedenga dzinogona kuvaka matendere adzo mumumvuri wayo.” Nemienzaniso mizhinji yakadai aivataurira izvi maererano nezvavaikwanisa kubata. Haaimbotaura kwavari asingashandisi mienzaniso. Asi pavainge vava voga aizotsanangura zvose kuvadzidzi vake. Kuzoti ava manheru ezuva rakarero akavati, “Ngatichiyambukirai mhiri.” Vakasiya vanhu vazhinji vaya, vakamutora voenda naye ari mugwa sezvaakanga arimo nakare. Kwakanga kuina mamwe magwa aiva naye. Ipapo dutu guru rakamuka, mafungu akaroverera pagwa achipindamo zvokuti igwa rakanga rotoda kuzara nemvura. Asi iye akanga ari mugwa necheshure akakotsira akatsamira pamutsago. Vadzidzi vake vakumumutsa vachiti kwaari, “Mudzidzisi hamuna hanya here kuti tava kupera?” Jesu akamuka akakarira dutu achiti kugungwa, “Nyarara! Udzikame!” Dutu rakati zi–i kunyarara, kukabva kwanyatsoti dzikadzika. Zvino Jesu akati kwavari, “Sei muchitya kudai? Hamuna chitendero here?” Ivo vakabatwa nokutya kukuru, ndokutaurirana vachiti, “Ko uyu ndianiko uyu anoteererwa kunyange nemhepo negungwa?”

Verenga chikamu Mariko 4