Zvino akati kwavari, “Mwenje uripo kuti uiswe pasi pedengu, kana pasi pomubhedha here? Hausipo kuti uiswe pachigadziko here? Nokuti hapana chinhu chakavanzika chisingazooneswi, hapana chavigwa chisingazobudi pachena. Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
Zvino akati kwavari, “Chenjerai zvamunonzwa. Chiero chamunoera nacho, nemi muchaerwa nacho; mukawedzerwa. Nokuti uya ane chaanacho achapiwa, asi uya asina, achatorerwa kunyangwe nechaanacho.”
Zvino akati, “Ushe hwaMwari hwakafanana nomunhu anodyara mbeu muvhu, akavata, akamuka, usiku namasikati; mbeu inomera, ichikura, iye asingazivi kuti zvinoitika sei; ivhu rinongobereka haro, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura. Kana yaibva, pakarepo anocheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.”
Zvino akati, “Ushe hwaMwari tichahufananidza neiko? Tichahuenzanisira nomufananidzo upiko? Hwakafanana netsanga yemasitadhi, iyo kana ichidyarwa muvhu iduku kumbeu dzose dzapanyika; asi kana yadyarwa, inomera, ichiva huru kumiriwo yose ichiita matavi makuru, akadaro kuti shiri dzedenga dzinovakira matendere adzo imomo.”
Akasireva shoko kwavari nemifananidzo mizhinji yakadaro, pavaigona kunzwa napo. Haana kutaura navo kunze kwemifananidzo, asi waizodudzira vadzidzi vake zvose vari voga.
Zvino nezuva iro, ava madekwana, akati kwavari, “Ngatiyambukire mhiri.”
Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye muigwa akangodaro; mamwe magwa akanga aiva naye. Zvino dutu guru remhepo rakamuka, mafungu emvura akarova achipinda muigwa, rikanga roda kuzara.
Asi iye akanga ari mushure megwa avete pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamune hanya kuti tofa here?”
Akamuka, akarayira mhepo, akati kugungwa, “Nyarara, ugadzikame!” Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukavapo. Zvino akati kwavari, “Munotyireiko kudaro? Hamuna kutenda here?”
Vakatya nokutya kukuru, vakataurirana vachiti, “Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyange negungwa zvinomuteerera?”