Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 8:4-15

Ruka 8:4-15 SCLBD

Pakati paunganwa nechita chikuru chavanhu vachibva muguta neguta vachiuya kwaari, akavataurira nomuenzaniso uyu achiti: “Mukushi akaenda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha, dzimwe dzakawira munzira dzikatsikwatsikwa netsoka dzikadyiwa neshiri dzedenga. Dzimwe dzakawira parukangarahwe, asi padzakamera dzakaoma nokuti dzakanga dzisina unyoro. Dzimwe dzakawira muminzwa. Minzwa yakakurirana nadzo pamwechete ikadzivhunga. Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka dzikakura dzikabereka zvakapetwa kazana. Paaitaura izvi akadaidzira achiti, ‘Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe!’ ” Vadzidzi vake pavakamubvunza kuti muenzaniso uyo unorevei, iye akati, “Imi zvenyu makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwaMwari asi kuna vamwe inongova mienzaniso kuti kutarisa vatarise zvavo asi vasingaoni, uye kunzwa vanzwe zvavo asi vasinganzwisisi.” Izvi ndizvo zvinorehwa nomuenzaniso uyu: Mbeu ndiro izwi raMwari. Dziya dzaparutivi penzira ndivo vaya vakanzwa izwi asi Satani anouya wobvisa izwi iroro mumwoyo mavo kuti varege kudavira uye kuti varege kuponeswa. Dzakawira parukangarahwe ndivo vaya vanoti vakanga vanzwa izwi vanorigamuchira norufaro asi ava havana midzi. Vanodavira kwechinguvana asi panguva yezviedzo vanobva vahedhuka. Dziya dzakawira mukati meminzwa ndivo vaya vanonzwa asi pavanoenda vanovhungwa nokuzvidya mwoyo noupfumi namafaro oupenyu. Zvibereko zvavo hazvisviki. Dziya dzakawira muvhu rakanaka, ndivo vaya vanoti kana vanzwa shoko vanoribatisisa zviri pachokwadi nemwoyo wakanaka. Vanobereka zvibereko nokutsungirira.

Verenga chikamu Ruka 8