Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 8:4-15

Ruka 8:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ungano huru yakati yavapo, vanhu vachibva kumaguta namaguta vachiuya kuna Jesu, akavataurira mufananidzo uyu: “Murimi akabuda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha mbeu, imwe yakawira munzira, ikatsikwa-tsikwa uye shiri dzedenga dzikaidya. Imwe yakawira parukangarahwe, uye payakamera, yakasvava nokuti pakanga pasina unyoro. Imwe mbeu yakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura pamwe chete nayo ikaivhunga. Asi imwe mbeu yakawira pavhu rakanaka. Yakamera ikabereka zvibereko, zvakapetwa kazana pane zvakanga zvadyarwa.” Akati ataura izvi, akadanidzira akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Vadzidzi vake vakamubvunza kuti mufananidzo uyu wairevei. Iye akati, “Kuziva zvakavanzika zvoumambo hwaMwari kwakapiwa kwamuri, asi kuna vamwe, ndinotaura nomufananidzo kuitira kuti, “ ‘kunyange vachitarira, varege kuonesesa; kunyange vachinzwa, varege kunzwisisa.’ “Izvi ndizvo zvinoreva mufananidzo: Mbeu ndiro shoko raMwari. Dziya dzakawira munzira ndivo vaya vanonzwa, ipapo dhiabhori anouya uye agovatorera shoko pamwoyo yavo, kuitira kuti varege kutenda vagoponeswa. Dziya dzakawira parukangarahwe, ndivo vaya vanogamuchira shoko nomufaro kana varinzwa, asi havana mudzi. Vanongotenda kwechinguva, asi munguva dzokuedzwa vanowira pasi. Mbeu yakawira muminzwa yakamirira vaya vanonzwa asi pakufamba kwavo vanovhungwa nokufunganya kwoupenyu, upfumi namafaro, havazosviki pakubereka zvibereko. Asi mbeu yapavhu rakanaka inomirira vaya vane mwoyo yakatendeka uye yakanaka, vanonzwa shoko, vorichengeta, uye nokuda kwokutsungirira kwavo vanobereka zvibereko.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 8

Ruka 8:4-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pakati paunganwa nechita chikuru chavanhu vachibva muguta neguta vachiuya kwaari, akavataurira nomuenzaniso uyu achiti: “Mukushi akaenda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha, dzimwe dzakawira munzira dzikatsikwatsikwa netsoka dzikadyiwa neshiri dzedenga. Dzimwe dzakawira parukangarahwe, asi padzakamera dzakaoma nokuti dzakanga dzisina unyoro. Dzimwe dzakawira muminzwa. Minzwa yakakurirana nadzo pamwechete ikadzivhunga. Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka dzikakura dzikabereka zvakapetwa kazana. Paaitaura izvi akadaidzira achiti, ‘Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe!’ ” Vadzidzi vake pavakamubvunza kuti muenzaniso uyo unorevei, iye akati, “Imi zvenyu makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwaMwari asi kuna vamwe inongova mienzaniso kuti kutarisa vatarise zvavo asi vasingaoni, uye kunzwa vanzwe zvavo asi vasinganzwisisi.” Izvi ndizvo zvinorehwa nomuenzaniso uyu: Mbeu ndiro izwi raMwari. Dziya dzaparutivi penzira ndivo vaya vakanzwa izwi asi Satani anouya wobvisa izwi iroro mumwoyo mavo kuti varege kudavira uye kuti varege kuponeswa. Dzakawira parukangarahwe ndivo vaya vanoti vakanga vanzwa izwi vanorigamuchira norufaro asi ava havana midzi. Vanodavira kwechinguvana asi panguva yezviedzo vanobva vahedhuka. Dziya dzakawira mukati meminzwa ndivo vaya vanonzwa asi pavanoenda vanovhungwa nokuzvidya mwoyo noupfumi namafaro oupenyu. Zvibereko zvavo hazvisviki. Dziya dzakawira muvhu rakanaka, ndivo vaya vanoti kana vanzwa shoko vanoribatisisa zviri pachokwadi nemwoyo wakanaka. Vanobereka zvibereko nokutsungirira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 8

Ruka 8:4-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakati ʋaʋuŋgana, naʋakaŋga ʋabva kumaguta ose ʋaȿika kwaari, akataura nomufananidzo, akati: Mukushi wakaɓuɗa kundokusha mbeu dzake; wakati acikusha, dzimŋe mbeu dzakawira panzira, dzikatsikwa, shiri dzokuɗeŋga dzikadzidya. Dzimŋe dzakawira paruware; dzikamera, dzikawoma, nokushaiwa mŋando. Dzimŋe dzakawira pakati peminzwa; minzwa ikakura pamŋe cete nadzo, ikadzivuŋga. Dzimŋe dzakawira muvu rakanaka, dzikamera, dzikaɓereka ɀiɓereko ɀinezana. Akati ataura iɀoɀo, akaɗanidzira, aciti: Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe. Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza, kuti mufananidzo uyo waireʋei. Akati: Imi makapiwa kuziʋa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgaMŋari; asi ʋamŋe ʋanoɀipiwa nemifananidzo, kuti ʋaciʋona, ʋarege kuʋona; ʋacinzwa, ʋarege kunzwisisa. Ɀino mufananidzo ndiwo: Mbeu ishoko raMŋari. Aʋo ʋapanzira ndiʋo ʋakanzwa; ɀino Diaborosi unoʋuya, akabvisa shoko pamŋoyo yaʋo, kuti ʋarege kutenda, ʋakaponeswa. Aʋo ʋaparuware ndiʋo ʋanoti kana ʋanzwa shoko, ʋanorigamucira nomufaro; haʋanomudzi, ʋanoŋgotenda ŋguʋa ɗuku; neŋguʋa yokuidzwa ʋanotsauka. Dzakawira pakati peminzwa ndiʋo ʋakanzwa; ɀino ʋanoenda, ʋakavuŋgiwa nokufuŋganya nefuma, neɀinofadza ɀoʋupenyu bguno, ʋakasaȿitsa ɀiɓereko. Asi dzomuvu rakanaka, ndiʋo ʋakanzwa shoko mumŋoyo wakarurama nowakanaka, ʋanoriceŋgeta, ʋaciɓereka ɀiɓereko nokutsuŋgirira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 8

Ruka 8:4-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)