Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 8:4-15

Ruka 8:4-15 SNA2002

Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakati vaungana, navakanga vabva kumaguta ose vakasvika kwaari, akataura nomufananidzo, akati, “Mukushi akabuda kundokusha mbeu dzake; akati achikusha, dzimwe mbeu dzakawira panzira, dzikatsikwa, shiri dzokudenga dzikadzidya. Dzimwe dzakawira paruware; dzikamera, dzikaoma, nokushayiwa mwando. Dzimwe dzakawira pakati peminzwa; minzwa ikakura pamwechete nadzo, ikadzivhunga. Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikamera, dzikabereka zvibereko zvine zana. Akati ataura izvozvo, akadanidzira, achiti, ‘Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.’ ” Zvino vadzidzi vake vakamubvunza, kuti mufananidzo uyo wairevei. Akati, “Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwaMwari; asi vamwe vanozvipiwa nemifananidzo, kuti vachiona, varege kuona; vachinzwa, varege kunzwisisa. Zvino mufananidzo ndiwo: mbeu ishoko raMwari. Avo vapanzira ndivo vakanzwa; zvino Dhiabhori wouya, achibvisa shoko pamwoyo yavo, kuti varege kutenda, vakaponeswa. Avo vaparuware ndivo vanoti kana vanzwa shoko, vanorigamuchira nomufaro; havano mudzi, vanongotenda nguva duku; nenguva yokuedzwa vanotsauka. Dzakawira pakati peminzwa ndivo vakanzwa; zvino vanoenda, vakaungiwa nokufunganya nepfuma, nezvinofadza zvoupenyu huno, vakasasvitsa zvibereko. Asi dzomuvhu rakanaka, ndivo vakanzwa shoko mumwoyo wakarurama nowakanaka, vanorichengeta, vachibereka zvibereko nokutsungirira.

Verenga chikamu Ruka 8