Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mupiro 10:1-11

Mupiro 10:1-11 SCLBD

Nadhabhu naAbhihu vanakomana vaAroni vakatora mabisiro avo vakaisa maari moto, vakamwaya rusenzi pamusoro pawo vakapira kuna Tenzi, moto usiri pamutemo, usiriwo wakanga wanzi naTenzi upirwe. Pakarepo moto wakabva kuna Tenzi ukavaparadza, vakafira pana Tenzi ipapo. Mosesi akataurira Aroni achiti, “Hezvoka! Handiti ndizvo zvakamboreva Mwari achiti, ‘Ndicharatidza vanhu vose vanouya kwandiri kuti ini ndinoera uyewo vanhu vose vachandiremekedza.’ ” Asi Aroni akadumbirwa nazvo akapererwa neromuromo. Mosesi akadaidza Mishaeri naErizafani vanakomana vaUzieri babamudiki waAroni akati, “Uyai kuno mubvise vakoma venyu munzvimbo inoera muende kunze kwematendhe.” Naizvozvo vakauya vakavatakura vakapfeka hanzu dzavo dzinenge dzoda kusvika mumabvi, vakaenda navo kunze kwematendhe. Mosesi akarayira Aroni navanakomana vake Ereaza naItama achiti, “Musarege vhudzi renyu richiti bvuru-bvuru, kana kubvarura zvako hanzu dzenyu mungadaro mukafa, uyewo gungano rose ringavirukirwe nehasha dzaMwari. Kana zviri zvehama dzenyu idzi, gungano rose ravaIsiraeri, ngaricheme zvaro kuparadzwa kwavakaitwa nomoto wakapiswa naTenzi. Musambobva pamusuo wetendhe rokusanganira mungadaro mukafa nokuti imi makagadzwa pamakazodzwa mafuta aTenzi.” Naizvozvo vakaita sokuudzwa kwavakaitwa naMosesi. Tenzi akataurira Aroni achiti, “Iwe navanakomana vako musanwe waini kana doro kana mopinda mutendhe rokusanganira, mungadaro mukafa. Iwoyu murao uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose. Munofanira kusiyanisa zvinhu zvinoera nezvinhu zvisingaeri, zvinhu zvakan'ora nezvinhu zvisina kun'ora. Dzidzisai vaIsiraeri mirao yose yandakataura kwavari nomuromo waMosesi.”

Verenga chikamu Mupiro 10