Mupiro 10
10
Kutadza kwaNadhabhu naAbhihu
1Nadhabhu naAbhihu vanakomana vaAroni vakatora mabisiro avo vakaisa maari moto, vakamwaya rusenzi pamusoro pawo vakapira kuna Tenzi, moto usiri pamutemo, usiriwo wakanga wanzi naTenzi upirwe. 2Pakarepo moto wakabva kuna Tenzi ukavaparadza, vakafira pana Tenzi ipapo. 3Mosesi akataurira Aroni achiti, “Hezvoka! Handiti ndizvo zvakamboreva Mwari achiti, ‘Ndicharatidza vanhu vose vanouya kwandiri kuti ini ndinoera uyewo vanhu vose vachandiremekedza.’ ” Asi Aroni akadumbirwa nazvo akapererwa neromuromo.
4Mosesi akadaidza Mishaeri naErizafani vanakomana vaUzieri babamudiki waAroni akati, “Uyai kuno mubvise vakoma venyu munzvimbo inoera muende kunze kwematendhe.” 5Naizvozvo vakauya vakavatakura vakapfeka hanzu dzavo dzinenge dzoda kusvika mumabvi, vakaenda navo kunze kwematendhe.
6Mosesi akarayira Aroni navanakomana vake Ereaza naItama achiti, “Musarege vhudzi renyu richiti bvuru-bvuru, kana kubvarura zvako hanzu dzenyu mungadaro mukafa, uyewo gungano rose ringavirukirwe nehasha dzaMwari. Kana zviri zvehama dzenyu idzi, gungano rose ravaIsiraeri, ngaricheme zvaro kuparadzwa kwavakaitwa nomoto wakapiswa naTenzi. 7Musambobva pamusuo wetendhe rokusanganira mungadaro mukafa nokuti imi makagadzwa pamakazodzwa mafuta aTenzi.” Naizvozvo vakaita sokuudzwa kwavakaitwa naMosesi.
Mirao inonangana navapristi
8Tenzi akataurira Aroni achiti, 9“Iwe navanakomana vako musanwe waini kana doro kana mopinda mutendhe rokusanganira, mungadaro mukafa. Iwoyu murao uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose. 10Munofanira kusiyanisa zvinhu zvinoera nezvinhu zvisingaeri, zvinhu zvakan'ora nezvinhu zvisina kun'ora. 11Dzidzisai vaIsiraeri mirao yose yandakataura kwavari nomuromo waMosesi.”
12Mosesi akataurira Aroni navanakomana vake vaviri vakanga vasara vainzi Ereaza naItamaru achiti, “Torai zvokudya zvomupiro wembesanwa zvinenge zvasara pamupiro unoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi, muzvidyire pedyo neatari zvisina mbiriso nokuti zvinoera kwazvo. 13Udyirei panzvimbo inoera, nokuti ndiwo mugove wako, navanakomana vako wakatorwa pamupiro unoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi, nokuti ndizvo zvandakaudzwa naMwari. 14Asi chityu chomupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi, nechidya chinenge chapirwa, iwe navana vako vakomana navasikana unogona zvako, kuzvidyira panzvimbo inoera, nokuti izvozvi zvakapiwa iwe navanakomana vako somugove wenyu, zvichibva pamipiro yokuwadzana yavaIsiraeri. 15Chidya chinopirwa Mwari, nechityu chemupiro unosimudzwa mudenga uchipirwa kuna Tenzi, ngavauye nazvo pamwechete nomupiro wamafuta unoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi kuzopira mupiro unosimudzirwa kuna Tenzi. Ndozvinozova mugove wako pamwechete navanakomana vako, uchagara uripo narinhi wose sezvakarehwa naTenzi.”
16Mosesi akafeya-feya nezvembudzi yomupiro wokupfupira zvitadzo, wanei kuti yakanga yatopiswa kare, akabva ashatirirwa Ereaza naItamaru akati, 17“Seiko musina kudyira mupiro wokupfupira zvitadzo panzvimbo inoera? Inga iwoyu mupiro unoera kwazvo. Handiti makaupirwa kuti mubvise zvakaipa zvegungano irori muchizvipfupira pana Tenzi. 18Hamuonewo here kuti ropa rayo harina kunge raunzwa mukati munzvimbo inoera, mungadai matodyira munzvimbo inoera, sezvandakareva.”
19Aroni ndokuti kana Mosesi, “Inga nhasi uno chaiye vanhu vapira kuna Tenzi mupiro wavo wokupfupira zvitadzo nomupiro wavo wokupisa kunyange zvavo vadaro, hezvika izvi zvandiwira izvi. Zvino dai ndadya mupiro iwoyo wokupirira zvitadzo nhasi, ndopazvaizogamuchirwawo naTenzi here?” 20Mosesi akazvinzwa akagutsikana nazvo.
Zvasarudzwa nguva ino
Mupiro 10: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.