Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revhitiko 10:1-11

Revhitiko 10:1-11 SNA2002

Zvino Nadhabi naAbhihu, vanakomana vaAroni, vakatora mumwe nomumwe harana yake yezvinonhuwira, vakaisamo moto, ndokuisa zvinonhuwira pamusoro pawo, vakauya pamberi paJehovha nomoto usina kutenderwa waasina kuraira. Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukavauraya, vakafa pamberi paJehovha. Zvino Mosesi akati kuna Aroni, “Jehovha wakataura chinhu ichi, akati, ‘Ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene muna vose vanoswedera kwandiri, ndichazvirumbidza pamberi pavanhu vose.’ ” Aroni akanyarara. Ipapo Mosesi akadana Mishaeri naErizafani, vanakomana vaUzieri, babamunini vaAroni, akati kwavari, “Swederai, mubvise hama dzenyu pamberi penzvimbo tsvene, muvatakurire kunze kwemisasa.” Ipapo vakaswedera, vakavatakurira kunze kwemisasa vanamajasi avo, sezvakanga zvataurwa naMosesi. Zvino Mosesi akati kuna Aroni nokuna Ereazari nokuna Itamari, vanakomana vake, “Musasunungura vudzi remisoro yenyu, kana kubvarura nguo dzenyu, kuti murege kufa, naiye arege kutsamwira ungano yose; asi hama dzenyu, veimba yose yaIsiraeri, ivo ngavacheme kupisa kwakatungidzwa naJehovha. “Musabuda pamukova wetende rokusangana, kuti murege kufa, nokuti mafuta okuzodza aJehovha ari pamusoro penyu.” Vakaita sezvavakaudzwa naMosesi. Zvino Jehovha wakataura naAroni akati, “Usanwa waini kana chinhu chinobata, iwe navanakomana vako pamwechete newe, kana muchipinda mutende rokusangana, kuti murege kufa; uve murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose. Munofanira kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, pakati pezvisina kunaka nezvakanaka; munofanira kudzidzisa vana vaIsiraeri mirairo yose yakarairwa naJehovha nomuromo waMosesi.”