Jeremiya 8
8
1“Tenzi anoti, panguva iyoyo, mapfupa amadzimambo okwaJudha namapfupa amachinda acho uye mapfupa avapristi mapfupa avaporofita namapfupa avagari veJerusaremu achaburitswa mumakuva avo. 2Achanzi yacha kuyanikwa muzuva nemwedzi uye napamberi pegurusvusvu rezvose zvedenga izvo zvakavatora mwoyo uye zvavaishandira, izvozvo zvavaiteveredza uye zvavaitsvaka vachinamata. Mapfupa iwayo haasiri kuzounganidzwa kana kuzovigwa achangoti warara sendove pasi pavhu. 3Chitsama chakasara chavanhu vose ivava vemhuri yevaipi vachange vari kunzvimbo dzose kwandakavadzingira chichakungura kuti kufa kuri nani pane kurarama. Ndozviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.”
Chitadzo nechirango chacho
4Unofanira kuvataurira kuti,
zvanzi naTenzi,
“Vanhu pavanoputsika, havasumukezve here?
Ko kana munhu atsauka mugwara haadzokezve here?
5Ko vanhu ava vadarirei kubva varamba vakatsauka
zvokupanduka kudai?
Vanobatisisa kune zvounyengedzi vachiramba kudzoka.
6Ndakarerekera nzeve ndichiteerera,
asi hapana chakanaka chakabuda mumuromo mavo.
Hakuna anopfidza uipi hwake
achidemba achiti,
‘Ndicho chii ichochi chandakaita.’
Munhu wose yangova njakenjake
sezvinongoita bhiza kumhanya kwazvo
richipinda muhondo.
7“Inga wani kunyange shuramurove#8:7 Shuramurove: Vamwe vanoti dzuramurove. zvaro
mudenga umu, rinoziva nguva yaro
uye njiva kana mherepere#8:7 Mherepere: Kana kuti nyenganyenga.
kunyange nhapata dzinochengetedza
nguva yadzo yokuuya wani.
Asi vanhu vangu
havamboziva zvavo murao waTenzi.
8Pakadai apa ndopamungataure here kuti,
‘Tiri vangwaru vevanhu isu
uye tinawoka mutemo waTenzi isu?’
Asi chionai kuti,
penzura yemanyepo yenyanzvi dzomutemo
yakauita kuti muve manyepo.
9“Vangwaru vachanyadziswa,
vachapazamiswa musoro nazvo
vachibva vabatwa.
Hezvika, vakaramba shoko raTenzi;
zvino ungwaru hwavanahwo ndohupi?
10Naizvozvo vakadzi vavo
ndichavapa kuna vamwe;
minda yavo ndichipa kune vamwe
vokuva varidzi vayo,
nokuti kubvira kumudiki
kusvikira kumukuru chaiye
munhu wose ane makaro
okuwana zvinhu nenzira isina kururama.
Kubvira kumuporofita kusvikira kumupristi
munhu wose ari kungoita zvounyengedzi.
11“Kurapa ronda ravanhu vangu,
vanorapa zvavo, asi zvechipameso
vachiti, ‘Rugare, rugare,’
ipo pasina rugare rwacho.
12Havaifanira kunyara here
pavakaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi?
Kwete havana kana kumbonyara.
Havazivi kuti kunonyarwa sei.
Naizvozvo vachafawo panofira vamwe
panguva yandichavaranga
ndipo pazvichavaperera,
ndizvo zviri kutaura Tenzi.
13“Zvanzi naTenzi,
pandinenge ndada kuvaunganidza,
ndinoona vari somugirepisi
usina magirepisi,
kana kuti muonde usina maonde,
kunyange namashizhawo awo asvava
kana zvandakanga ndavapa
zvakatopfuura kare kare.#8:13 Kare kare: ChiHebheru hachinyatsobuda pachena.
14“Torambirei takati teshe kugara?
Ngatiunganei pamwechete
tindopinda mumaguta etsvingo
tindopararira imomo zvedu
nokuti Tenzi, Mwari wedu atitemera kuparara
uye atipa mvura ine chepfu kuti tinwe
nokuti isu takatadzira Tenzi.
15“Taitarisira kuwana rugare
asi hapana chakanaka chakauya,
tikatarisira nguva yokurapwa,
asi zvinotyisa ndozvotoona.
16Kufemuruka kwamabhiza avo,
kunonzwika nokwaDhani.
Pamusana poruzha rwokuhwihwidza
kwamabhiza avo makono,
nyika yose inondengandenga.
Vanouya vachisvikoparadza nyika ino
nezvose zvizere mairi,
guta navanhu vageremo.
17Ndinodaro nokuti
ndava kutuma nyoka mukati menyu,
zviva chaizvo zvisina kana mapipi angazvidzivise
izvozvo ndizvo zvichakukoborai.”
Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shungu dzaJeremiya nevanhu vokwake
18Kurwadziwa mwoyo kwangu hakuna angakunyaradze
mukati mangu, mwoyo wangu warwadza.
19Inzwai kuchema kwemwanasikana wangu,
kuchema kwavanhu vangu;
kuchibva kose kose munyika ino
vachiti, “Ko Tenzi haasi
muguta reZioni here?
Mambo weZioni haasisimo here muguta imomu?
Vakandishatirisirei nezvifananidzo zvavo
zvokunamata zvemabwe zvakavezwa
nezvimwe zvifananidzo zvokunamata
zvevechirudzi zvisina maturo?
20“Kukohwa kwakapfuura,
mwaka wezhizha wakatopfuura
asi hatina kuponeswa.”
21Chiripo ndechokuti ronda remwanasikana wangu,
ronda raivo vanhu vangu ava randirwadza mwoyo.
Ndiri kuchema nhamo ini,
zvandishayisa chokuita!
22Ko imo muGireadhi
hamunawo pfuta here?
Hamuna here murapi imomo?
Zvino seiko urwere,
hwavanhu vangu ava husina kurapwa?
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 8: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.