Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 15

15
Kurangwa kwevanhu nenzara nebakatwa
1Tenzi akazoti kwandiri, “Kunyange dai Mosesi naSamueri vakamirira vanhu ava kwandiri handaimbodzora mwoyo wangu kwavari. Chivabvisa pameso pangu vaende! 2Kana vakazokubvunza kuti, ‘Kwotoenda kwacho ndokupi?’ iwe uvati zvanzi naTenzi:
“Vedenda, vaende kudenda
vebakatwa, kubakatwa, veshangwa yenzara, vaende kunzara
vokuhutapwa, vaende kuhutapwa.
3“Ndichavasarudzira zvinhu zvina zvokuvaparadza nazvo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, zvinoti bakatwa rokuvaurayisa nembwa dzokuvabvanzura uye shiri dzedenga nemhuka zvesango dzokuvazhanya nokuvaparadza. 4Ndichaita kuti zvionese ndondo nyika dzose dzapasi pano pamusana pezvakaparwa muJerusaremu naManase mwanakomana waHezekiya mambo wokwaJudha.
5“Ndianikowo achakunzwira tsitsi
nhaiwe Jerusaremu,
kana kuti ndianiwo achakuchema?
Ndiani zvake achatsauka achikubvunzawo upenyu?
6“Wakandirambaka iwe#15:6 Wakandirambaka iwe: Ari kutaurirwa apa iGuta reJerusaremu.
ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Unoramba uchingodzokera shure chete.
Ndokusaka ndakazokubatira shamhu yokukuparadza nayo.
Ndaneta nokukuitirai mwoyo murefu.
7“Ndakavawurutsa neforogo yokuwurutsisa
mumaguta enyika iyoyi.
Ndakaita kuti vaone nhamo yorufu
ndikaparadza vanhu vangu,
asi kusiyana nenzira dzavo havana.
8“Ndakaita kuti chirikadzi dzavo dziwande
kudarika jecha rokumakungwa.
Ndakaunzira vana amai vemajaya
mharadzi zuva rakacheka nyika.
Ndakaita kuti kurwadziwa nokutya
zvingoyerekana zvavapinda.
9“Amai vavanomwe
vatambura nokuchema, vakarezuka,
rakavadokera masikati machena,
akanyadziswa akafumurwa,
vamwe vacho vose
ndichavaurayisa nebakatwa rehondo
mumaoko mavavengi vavo,
ndizvo zviri kureva Tenzi.”
Kunyunyutira Tenzi kwaJeremiya
10Nhai amai we-e zvangu! Chamakandiberekera, ini zvangu munhu wenharo, ini matatapure munyika ino yose. Handina kukweretesa kana kukwereta munhu asi vose vanondirengerera rushambwa. 11Tenzi akati, “Handina kukuramba here? Ndingarege here kukuunzira vavengi?#15:11 ChiHebheru chendima iyi hachinzwisisiki. 12Munhu angagone here kutyora simbi, simbi yokuchamhembe nendarira?
13“Upfumi hwenyu nezvinhu zvenyu zvinokosha ndichazviita kuti zvipambwe mahara munyika yenyu yose pamusana pezvitadzo zvenyu. 14Ndichakuitai kuti mushandire vavengi venyu munyika yamusingazivi nokuti ndaviruka nehasha; moto ukabaka unoramba uchingobvira nokusingaperi.
15“Tenzi, imi ndimi munoziva
ndirangarireiwo mundishanyire
mungonditsividzirawo vanonditambudza.
Pamusana pomwoyo wenyu murefu musandipfuudze
munozviziva wani kuti
kuzvidzwa kwandinako uku kuzvidzirwa imi.
16“Shoko renyu pandariwana ndarizeya
mazwi enyu iwayo aindipa mufaro
ariwo angu akanga ari mazwi apamwoyo andinofarira
nokuti ndinodaidzwa nezita renyu
imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo.
17“Handina kumbogara muboka
ravanhu vamafaro kana kumbopembera nokufara.
Ndaingogara ndiri ndoga zvangu
nokuti simba roruoko rwenyu raiva pandiri.
Ndinodaro nokuti makandizadza nehasha.
18“Ko iko kurwadzwa kwangu
kusingaperi kwakaita seiko,
ronda rangu risingarapiki
rakaita sei risingapori?
Asi kwandiri, munoda kuita sakakova
kanonyengedza, semvura inopwa?”
19Nokudaro zvanzi naTenzi,
“Kana ukadzoka
ndichakudzorera pabasa rako undishandire.
Kana ukataura zvinhu kwazvo
usingataure zvinhu zvisina maturo
ndiwe uchava muromo wangu, vachadzokera kwauri
asi iwewe haudzokere kwavari.
20“Kuna vanhu ivava ava
ndichaita kuti vave rusvingo rwendarira.
Vachakurwisa asi havakukuriri
nokuti ndinewe ndinokuponesa
nokukununura, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
21“Ndichakuponesa mumaoko mavakaipa
ndichikununura kana wabatwa
navanhu voutsinye.”

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremiya 15: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda