Jeremiya 14
14
Kuramba kwakaita mvura kunaya
1Izwi raTenzi rakauya kuna Jeremiya richitaura nezvemvura yakanga yaramba kunaya richiti,
2“Nyika yeJudha iri mukuchema nhamo
magutawo ayo ari kugurukuta,
vanhu vayo vachiungudza vakati pasi rakata
uye mhere yeJerusaremu yanzwika.
3“Vanhu vokumba huru
vanotuma varanda vavo kumvura.
Varanda vanosvika kumatsime,
asi havasi kuwana mvura.
Vanodzokera nezvirongo zvavo
mvura vasina vaora mwoyo
vasisazive chokuita vakabata rushaya.
4“Pamusana pokuti pasi pachiti papata
nokushayika kwaita mvura yokunaya panyika,
varimi vacho vadumbirwa nazvo vobata rushaya.
5“Kunyange nhunzvi yemhembwe musango
yototiza katsvana kayo kasvava
pamusana pokushaya uswa.
6Madhongi omusango amira
pamitunhu yakatunhumara pasina miti
achifemereka samakava
kuri kutsvaka mhepo yokufema,
maziso awo achionera madzerere
nokuti hakusisina bundo.
7“Kunyange zvazvo zvakaipa zvedu
zvichitipa mhosva,
wanaiwo chamungaite, imi Tenzi
nokuda kwezita renyu
nokuti umhandupandu hwedu hwanyanya
takakutadzirai isu.
8Nhaimi chitarisiro cheIsiraeri,
imi Mununuri wayo panguva yokutambura,
madireiko kubva maita
somutorwa chaiye munyika muno,
kubva matoita here somupfuuri nenzira
anoti tsaukirei pakadaro apo
omborarapo hake usiku ihwohwo?
9“Madirei kuita somunhu
atenderera musoro,
segamba chairo rehondo
risingagoni kununura?
Nyange zvakadaro zvazvo
imi Tenzi muri pakati pedu
uye tinodaidzwa nezita renyu,
regai henyu kutisiya.
10“Tenzi ari kutaura shoko rinonangana
navanhu ivava rokuti,
‘Kudzunga saizvozvi ndokwavanoda
havana kumbozvidzorawo mufambiro.
Ndokusaka Tenzi asingavagamuchiri,
zvazvino izvi acharangarira uipi hwavo
agovarangira zvitadzo zvavo.’ ”
11Tenzi akanditi, “Rega kunamatira vanhu ava kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka 12nokuti kunyange zvavo vakatsanya handiteereri chichemo chavo. Kunyange vakapira zvavo mupiro wokupisa kana mupiro woupfu hwembesanwa handiigamuchiri. Changu chandichaita kuvapedza nehondo yebakatwa neshangwa yenzara nedenda.”
13Ini ndokuti, “Nhai Tenzi Mwari, inga wani vaporofita vari kuvaudza kuti hondo, yebakatwa hamusi kuzomboiona kana kuti kuzova neshangwa yenzara, asi kutoti ndichaita kuti muve norugare chairwo munzvimbo ino.”
14Tenzi ndokuti kwandiri, “Vaporofita vari kuporofita zvenhema muzita rangu. Handina kuvatuma ini kana kumbovaudza kana kutaura kwavari. Vari kukuitirai chiporofita chokuona zvenhema kushopera zvako kusina namaturo ese, unyengedzi zvahwo hwomusoro wavo. 15Nezvo zvanzi naTenzi nezvavaporofita ivavo vanoporofita muzita rangu ini ndisina kuvatuma vachitoti, ‘Hondo yebakatwa neshangwa yenzara hazvisi kuzouya munyika muno,’ vaporofita ivava vachaparadzwa nehondo yebakatwa nemvemve yenzara. 16Vanhuwo vavanoporofitira vacho vachanzi rakata mumigwagwa yeJerusaremu vova ndivo vokufa neshangwa yenzara nebakatwa rehondo pasina anovaviga, ivo navanakomana vavo navanasikana vavo nokuti ndichadurira pavanhu ivavo uipi hwavo.”
17Vataurire izvi zvokuti:
“Chiregai zvenyu meso
achiramba achiyerera misodzi
siku nesikati pasina zvokumbomira
ivo vanhu vangu#14:17 Vanhu vangu: ChiHebheru chinoti nokuti mhandara iyi; musikana wokwangu uyu. ava,
vakuvadzwa ronda guru kwazvo,
varohwa zvinosiririsa kwazvo.
18“Ndikati ndiende musango'mu
hezvo zvitunha zvakarakatiswa
nebakatwa rehondo.
Kana ndikapinda muguta
heyo nhamo yeshangwa yenzara
nokuti muporofita nomupristi vose
vanobvonga nemunyika iyoyi mose
vasina ruzivo.”
Vanhu vanoteterera kuna Tenzi
19VokwaJudha matovaramba zvachose here?
Mwoyo wenyu wava kusema here
vanhu veguta reZioni?
Madirei kutipa shamhu yakadai isingarapike?
Taitarisira kuwana rugare
asi hapana chakanaka chakauya,
tichitarisira nguva yokuporeswa
asi zvinotyisa ndozvotoona.
20Tinoreurura uipi hwedu Tenzi,
nezvitadzo zvamadzibaba edu nokuti takakutadzirai.
21Pamusana pezita renyu,
chiregai henyu kutiramwa,
dai mukaregawo kufumura
mbiri yechigaro chenyu choumambo.
Dai waro mukarangarira henyu
murege kutyora chitenderano chenyu nesu.
22Kuna vanaani chaizvo pakati pavana mwari
vasina maturo vokumarudzi avanhu
angagone kunayisa mvura?
Kana iwo matenga zvawo
angagone nhai kunayisa mvura?
Handiti ndimi iyemi
Tenzi, Mwari wedu?
Chitarisiro chedu tinochiisa mamuri
nokuti ndimi munoita zvose izvozvi.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 14: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.