“Zvibayiro nemipiro hazvisizvo zvamakafarira asi makandigadzirira muviri. Mupiro wokupisa nomupiro wokupfupira zvitadzo hamuna kuufarira. Ndipo pandakati, ‘Mwari, tarisai muone ndauya kuzoita kuda kwenyu, sokunyorwa kwazvakaitwa nezvangu mubhuku rokumononora.’ ” Paanoti pamusoro apo: “Hamuna kuda kana kufarira zvibayiro nemipiro nemipiro yokupisa nemipiro yokupfupira zvitadzo.” (Izvi zvinopirwa maererano nomutemo). Ndokuzoti: “Tarirai ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Arikudzima chokutanga achiisa chechipiri. Nokuda kwaizvozvo takaitwa vatsvene pamusana pechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakamwe. Uyewo mupristi mumwe nomumwe anomira achiita basa rake achipira zuva nezuva zvibayiro zvimwechetezvo zvisingambokwanisa kubvisa zvitadzo. Asi Kristu paakapira nokusingaperi chibayiro chimwechete chokupfupira zvitadzo akandogara kurudyi rwaMwari achimirira kuti vavengi vaitwe chitambarariko chetsoka dzake. Naizvozvo nechibayiro chimwechetecho akanatsa nokusingaperi avo vakaitwa vatsvene. Mweya mutsvene anotipupurirawo paanomboti, “Ichi ndicho chitenderano chandichaita navo mumashure mamazuva iwayo ndozvinotaura Tenzi. Ndichaisa mitemo yangu mumwoyo yavo uye ndichainyora mundangariro dzavo.” Anotizve handichazorangarirazve zvitadzo zvavo nezviito zvavo zvakaipa. Zvino pane ruregerero rwezvizvi panenge pasisina chibayiro chezvitadzo.
Verenga chikamu VaHebheru 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 10:5-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo