Saka pakusvika kwake panyika, anoti,
“Chibayiro nechipo makazviramba,
asi makandigadzirira muviri,
hamuna kuda zvibayiro zvinopiswa,
nezvibayiro zvezvivi;
Zvino ndikati,
‘Tarirai, ndauya,
(Mubhuku yakapetwa makanyorwa nezvangu)
Kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ”
Zvaanoti pakutanga, “Zvibayiro nezvipo, nezvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi hamuna kuzvida; hamuna kufadzwa nazvo,” (zviri izvo zvinobayirwa Mwari sezvinoreva murayiro), ndokuzoti, “Tarirai, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Anobvisa chokutanga, kuti aise chechipiri. Nokuda ikoku takaitwa vatsvene nechibayiro chomuviri waJesu Kristu, chakabayirwa kamwechete.
Mupristi mumwe nomumwe anomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvimwe, zvisingagoni kubvisa zvivi; asi iye akati abayira chibayiro chimwechete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari; kubva zvino achimirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake. Nokuti nechibayiro chimwechete akakwanisa nokusingaperi avo vanoitwa vatsvene.
NoMweya Mutsvene anotipupurirawo; nokuti akatanga, achiti,
“Iyi ndiyo sungano yandichaita navo
Shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Ishe;
Ndichaisa mirayiro yangu pamwoyo yavo,
Nokuinyora pakufunga kwavo.”
Ndokuzoti,
“Zvivi zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangariri.” Zvino, kana zvinhu izvi zvakaregererwa, zvivi hazvichabayirwi.